Accessibility links

Breaking News

Chikwata CheGunners Chotarisira Kutamba NeShabanie Mumutambo WePremier League


Brazil Soccer World Cup 2010 Album
Brazil Soccer World Cup 2010 Album

Kunyange hazvo chikwata cheGunners chakabuda mumakwikwi eConfederation Of African Football (CAF) Champions League, apo chakakundwa 2-1 pamagoal accregrate nechikwata che Al Ahly chekuEgypt kutanga kwemwedzi uno chikwata ichi chinoti chichashandisa hunyanzvi hwachawana kubva mumitambo iyi, kuti chikwanise kutamba zvakanaka mumitambo yacho yePremier Coccer League gore rino.

Maneja wechikwata ichi, va Wellington Mpandare, vanoti chikwata chavo chichatamba neshabanie nesvondo, uye chiri kutarisira kukunda mumutambo uyu.

Mutambo uyu uchatambirwa kuZvishavane. VaMpandare vanoti vatambi vavo vakagadzirira zvakasimba kuti vakunde Shabanie iyo yakapinda muPremier league mwaka uno.

VaMpandare vanoti chikwata cheShabanie chakatenga vatambi vana kubva kuGunners izvo zvirikuita kuti zvikwata zviviri izvi zvide kutamba kuti veruzhinji vazive kuti shasha pavaviri ava ndevapi.

XS
SM
MD
LG