Accessibility links

Breaking News

Gunners Yotsvaga Vatambi Vatsva

Gunners inoti ichitanga kutsvaga vatambi vatsva gore risati rapera, kuitira kuti isimbe isati yapinda mumakwikwi eConfederation of African Football (CAF) Champions League.

Gunners ndiyo yakakunda zvikwata zvose zvemuZimbabwe, izvo zvakapa kuti itore mukombe we2009 Premier Soccer League. Gunners iri kupihwa mukombe uyu painopedza kutamba neLengthens neMugovera, mumutambo wayo wekupedzisira gore rino.

VaCuthbert Chitima ndivo sachigaro weGunners. VaChitima vanoti zvakakosha kuti chikwata chavo chitenga vamwe vatambi kuitira kuti chinyatsosimba gore rinouya apo chichange chiri mumakwikwi emuAfrica, uye kuchengetedza mukombe wacho muZimbabwe.

This item is part of
XS
SM
MD
LG