Accessibility links

Breaking News

Chikwata CheCricket ChekuIreland ChoTarisirwa MuZimbabwe


Chikwata che cricket cheku Ireland chiri kutarisirwa munyika mangwana zvichitevera kuenderera mberi kwachaita nekushanya kwacho kunyange hazvo changa chayambirwa nehurumende yeBritain kuti chiregere kushanya.

Ireland yatosimuka munyika mayo yakananga kuzimbabwe uko ichatamba mitambo ye intercontinental cup ne Zimbabwe XI mumitambo ye One Day Internationals ne chikwata che national team.

Ireland yaramba kuteerera yambiro ye Britian iyo inoti hasi kufara nemamiriro akaita zvinhu munyika.

Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko muZimbabwe Cricket, vaJeffrey Murimbechi, vanoti vari kufadzwa nekushanya kwe Ireland sezvo kucha simbaradza mutambo we cricket wemunyika pamberi pemakwikwi e Cricket World Cup achaitwa ku Asia gore rino uya.

XS
SM
MD
LG