Accessibility links

Breaking News

Chikwata CheCricket ChekuIreland Chobvuma Kutamba NeZimbabwe Mwedzi Unouya


Sangano reZimbabwe Cricket razivisa kuti chikwata cheku Ireland chabvuma kuuya munyika kunotamba mumutambo we Intercontinental Cup uchatambirwa muHarare mwedzi unouya.

Kubvuma kwe Ireland kutamba neZimbabwe kuri kufadza vatsigiri vemutambo uyu, sezvo dzimwe nyika dzakaita se England, New Zealand ne Australia, dziri kuramba kutamba neZimbabwe ndichiti munyika iyi mune hurumende inotyora kodzero dzevanhu.

Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko muZimbabwe Cricket, vaJeffrey Murimbechi, vanonzi vari kufadzwa nechiitiko ichi sezvo zviri kusimbaradza chikwata cheZimbabwe kuti chizokwanisa kudzokera mukutamba makwikwi e Test Cricket.

XS
SM
MD
LG