Accessibility links

Breaking News

Chikwata che Highlanders Chotarisira Kutamba NeShooting Stars PaMutambo We Premier League


Highlanders iri kukweshana neShooting Stars mangwana kuGwanzura. Highlanders inoti inofanirwa kukunda kuitira kuti iwane three points.

Sachigaro veHighlanders, va Themba Ndlela, vanoti vari kufara kuti disciplinary committee yakaferefeta zvakaitika pamutambo wavo neMasvingo muna Gunyana, uyo wakamiswa nemhirizhonga, yavapa ma points ose.

Asi vaNdlela vanoti hachisi chokwadi kuti vabhadhariswa mari inosvika $3 000 sezviri kunyorwa mumamwe mabepanhau.

Muneimwe nyaya chikwata cheeMotor Action chinoti chiri kufara nekuva pamusoro pe Premier Soccer League pari zvino uye ichayedza kuti isakundwe nechikwata che Dynamos icho chiri kuitevera pandvimbo yechipiri.

Motor Action ine 52 points, ichiteverwa neDynamos ine 46 points, Highlanders ine 37 points.

XS
SM
MD
LG