Accessibility links

Breaking News

Vabereki veMwana Ane Chirwere cheChiropa Vokumbira Rubatsiro


Hupenyu hwemwanasikana Manqoba Mabhena, uyo akaberekwa aine chirwere chechiropa chinonzi Biliary Atresia huri kuramba huri panjodzi sezvo vabereki vake vasati vawana mari yekuti ainde kunorapwa kuIndia.

Amai vaManqoba, Muzvare Shamiso Yikoniko vanoti vana chiremba vakavataurira kuti chiropa chemwana chinogona kumira kushanda chero ipi nguva kana akasarapwa nekukurumidza.

Vanoti vanoda mari inosvika zviuru makumi mana nematatu ($43,000) yekuti vainde kuIndia kunorapisa mwanasikana wavo. Asi pare zvino vanoti vawana mari inokwana chiuru gumi nemasere ($18,000) chete.

Naizvozvo, Muzvare Yikoniko vari kukumbira rubatsiro kumhuri yeZimbabwe. Vanoti zve vanoda kubatsira vanogona kuisa mari mubhuku ravo rebhanga reFBC.

Account number yavo inoti 3070070770125. Munogona zve kushandisa Ecocash muchishandisa number dzinoti 0772 935 224.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG