Makundano eChibuku Super Cup ari kupinda muma kota fainari pasina manyuku-nyuku anowanzofambirana nemakundano akadai.
Kubuda kwakaita zvikwata zvine mukurumbira mumakundano aya zveDynamos, Highlanders, Chicken Inn ne Ngezi Platinum Stars, kwasiya makwikwi aya asina manyuku nyuku aanowanzofambirana nawo kana makwikwi aya asvika muma kota fainari.
Chikwata chinoteverwa nechaunga chasara mumakwikwi aya, iCaps United, iyo ingangobudiswa zvekare apo yakananga kuMaglas Stadium kunosangana neShabanie Mine, iyo inobhebha moto unotyisa kana iri pamusha.
Kunyange hazvo vasiri kubuda pachena, vePremier Soccer League nevanoisa mari mumakundano aya vari kunamata kuti maGreen Machine arambe ari mumukombe uyu kuitira kuti parambe paine mutauro nezvemakundano ezvikwata zvemuPSL aya.
Kusvika pairi pari zvino, Caps United yakabuditsa Ngezi Platinum Stars, iyo ine mukombe uyu.
Fungai Toasto Kwashi, uyo anotaura akamirira varairidzi veMakepekepe, anobuditsa pachena chinangwa chavo achiti ndivo vachatora mukombe.
Mumwe muteveri wemaGreen Machine, VaProsper Munyuki, vanoti mukombe ndewavo vachiwedzera ivo kuti muAfrica vachavaona gore rinouya.
Asi maGreen Machine anofanira kutanga vabuda vasina mavanga muMaglas Stadium, umo zvikwata zvakawanda zvinowanzobudamo zviine mavanga.
Pamusoro pezvo, Shababie iri kupihwa manyawi nemarovero ayakaita Bantu Rovers 3-1 svondo rapera apo yakashanya kuBulawayo.
Asi chikwata chinokunda pakati peShabanie Mine neCaps United chichange chakamirirwa nezvimwe zvikwata muma semi fainari kusanganisira chikwata chichakunda pane mutambo uri muRufaro Stadium neMugovera pakati peBlack Rhinos neHarare City.
VePremier Soccer League vapa Chapungu mukana wekuve pamusha apo iri kusangana neHow Mine mumakundano mamwe chetewo panguva iyo Yadah iri munzira asi ikozvino yakananga kuBarbourfields Stadium kunosangana neBulawayo City.
Yadah yakasvika pachinhanho ichi mushure mekudzingwa mumakundano aya kweChicken Inn iyo yakabuda munhandare Yadah yapihwa penareti nemubati wepembe.
Pamusoro pekumirira nyika muCaf Confederation Cup, chikwata chinotora mukombe uyu chinowana mari inoita iyo zviuru makumi manomwe nezvishanu zvemadhora.
Facebook Forum