Accessibility links

Breaking News

Charles Manyuchi Oshura Mare neKuzvambaradza Acosta wekuArgentina


Charles Manyuchi mutambi wetsiva
Charles Manyuchi mutambi wetsiva

Mutambi wetsiva wemuZimbabwe Charles Manyuchi nhasi mangwanani anyora imwe peji mugwaro rake rehumhizha wemutambo uyu.

Manyuchi adadisa apo apinda munhandare ndokuzvambaradza Pablo Ezekiel Acosta wekuArgentina munharaunda yeChishanu ndokutora mikombe yeUniversal Boxing Council newe Global Boxing Union wehuremu hwemiddleweight nekunyora peji itsva munhoroondo yake.

Manyuchi apunzira Acosta pasi kubva munharaunda yekutanga kusvika munharaunda yeChina, vanorairidza mutambi wekuArgentika uyu ndokumisa mutambo uyu munharaunda yeChishanu vaona kuti mutambi wavo angakuvadzwe zvakanyanya, izvo zvasimudza chaunga chemuZimbabwe.

Mutambo uyu waunganidza chaunga chinotyisa kusanganisira mutambi wenhabvu akaita mukurumbira pasi rese Peter Ndlovu, muimbi Jah Praizah, nhengo yeZifa, VaChamu Chiwanza, maneja wevatambi vetsiva VaStalin Mau Mau, pamwe nemutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaEnergy Mutodi.

Kukunda uku kwapa Manyuchi mabhande maviri reUBC nere GBU, mumutambo wake wekutanga nemutambi wekunze kwenyika kubvira musi uyo akatorerwa bhande rake reWBC.

Hanzvadzi yake Jaqueline anoti aizvizviva kuti Manyuchi achakunda zvinodadisa mumutambo uyu.

Kukunda Acosta kwapa zvekare Manyuchi mukana wekurwira mukombe weWBC werudzi rwebronze asi asati aita izvi, Manyuchi anoti ane mumwe mutambo wemuAfrica kuTunisia musi wa 3 Nyamavhuvhu.

Muongorori wezvemitambo VaFarai Kambamura vanoti Manyuchi anofanira kupihwa ruremekedzo rwemumiriri wenyika.

Chinagwa chaManyuchi ndechekudzoka paaive muna 2016 apo aive nebhande reWorld Boxing Council rwerudzi rwesirivha iro akazotererwa naQuadratillo Abduquarov wekuUzbekistan.

Gore iroro Manyuch aive pachinhanho chechitatu pasi rese muhurongwa hweWBC muhuremu hwebantamweight.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG