Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Voita Chamurambamhuru Mukudomwa neMatunhu Pamberi peKongiresi


Opposition Movement for Democratic Change (MDC) leader Nelson Chamisa addresses a media conference following the announcement of election results in Harare, Zimbabwe, Aug. 3, 2018.
Opposition Movement for Democratic Change (MDC) leader Nelson Chamisa addresses a media conference following the announcement of election results in Harare, Zimbabwe, Aug. 3, 2018.

Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vari kuita chamurambamhuru chaiyo mukudomwa kwavari kuitwa nematunhu pasina munhu anovapokisa pamberi pekongiresi huru yebato ravo iri kuitwa mwedzi unouya.

Kusvika pari zvino, VaChamisa vadomwa nematunhu manomwe kuti vave mutungamiri webato pasarudzo ichaitwa pakongiresi yebato muna Chivabvu.

Kongiresi iyi ndeye chishanu kubva zvavambwa bato iri muna 1999, apo muchakabvu, VaMorgan Tsvangirai, vakasarudzwa semutungamiri wekutanga weMDC, mutevedzeri wavo ari VaGibson Sibanda.

Pakongiresi yekutanga,VaChamisa vakasarudzwa sachigaro wevechidiki, ukuwo VaWelshman Ncube, avo vadomwa nemamwe matunhu kuti vave mumwe wevatevedzeri wemutungamiri webato, vakasarudzwa semunyori mukuru webato.

VaTsvangirai vakashaya gore rapera muna Kukadzi mushure mekurwara nechirwere chegomarara.

Matunhu adoma VaChamisa kusvika pari zvino anoti North America, Matabeleland South, Matabeleland North, Midlands, Mashonaland West, Mashonaland East, neMashonalandCentral, iyo yaita kongiresi yayo neMugovera, Kubvumbi 13, 2019.

Mutauriri weMDC, VaJacob Mafume, vanoti zviri kuitika mubato ravo vanhu vachisarudza vatungamiri vavanoda mucherechedzo wekuti mubato ravo mune hutongi wejechetere.

VaMafume vanoti vari kufara nezviri kuitika mubato ravo sezvo vanhu vari kusarudza vanhu vavanoda vakasununguka.

Asi VaMafume vati kunyange hazvo zvinhu zviri kuitwa negwara kwaro, havazi kufara nezvakaitika kune mamwe matunhu uko vamwe vanhu vakaburitsa hasha dzavo nemumaoko pachinzvimbo chekuti vanhu varatidze kusafara kwavo vachitaura zvinyunyuto zvavo nemiromo yavo, kwete kushandisa maoko.

"Pakadai, sebato tinotora matanho akasimba. Vanoita zvekumarana tinovadzinga mubato," vadaro VaMafume, avo vari kudomwawo nematunhu akawanda kuti vakwikwidze chigaro chemutauriri webato pachaitwa kongiresi huru.

VaMafume vanoti vari kufarawo zvikuru kuti zvinhu zviri kufamba zvakanaka mukudomwa kwevanhu vachakwikwidzawo mumapazi evechidiki nemadzimai.

Vamwe vadomwa zvakanyanya muzvigaro vanosanganisira Amai Lilian Timveos, avo vachange vachikwikwidza chigaro chemutevedzeri wemutungamiri webato pamwe naVaMorgen Komichi, pamwe naVaWelshman Ncube.

Pachigaro chasachigaro, Muzvare Thabita Khumalo vadomwa zvakanyanya, ukuwo VaChalton Hwende, vari kutungamira pachigaro chemunyori mukuru, VaAmos Chibaya vachiitawo chamurambamhuru pachigaro chemurongi wemisangano.

Kwasara matunhu matanhatu kuti makongiresi ematunhu apere kuitwa.

Matunhu asara anoti Bulawayo, Harare, Masvingo, Manicaland, United Kingdom neSouth Africa.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dziri kutevera zviri kuitika mubato iri dzinoti zviri pachena kuti VaChamisa vari kufarirwa zvikuru zvekuti vanogona kushaya vanovakwikwidza.

Asi nyanzvi idzi dziri kuyambirawo kuti mutambo hausati wanyatsopera sezvo kuine matunhu ane mutauro anoti Bulawayo, Masvingo neManicaland, ayo anogona kutsigira mumwe munhu kuti akwikwidzane naVaChamisa pakongiresi.

Vanhu vakabuda pachena kuti kana vakadomwa nematunhu vakazvipira kukweshana naVaChamisa pachigaro chemutungamiri webato ndiVaElias Mudzuri, vanove mumwe wevatevedzeri vemutungamiri webato, pamwe naVaDouglas Mwonzora, avo vakabata chigaro chemunyori mukuru webato.

Mumwe munhu anonzi nevatovera zvematongerwo enyika anogona kupinda pachigaro chemutevedzeri wemutungamiri webato, ndiVaTendai Biti, kana vakakwanisa kudomwa nematunhu anodiwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:09:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG