Vamwe vagari vekwaMutare vanoti havasi kufara nenguva refu yavari kutora kuti vakwanise kunyoresa sevavhoti pasi pehurongwa hutsva hweBiometrical Voter Registration, BVR.
Vagari ava vaudza Studio 7 kuti vashandi veZimbabwe Electoral Commission, ZEC, vari kutora nguva refu kuti vabatsire vanhu vari kuuya kuzonyoresa, kunyange hazvo vamwe vachiti vari kufara nekufamba kuri kuita chirongwa ichi.
Vanhu vari kunyoresa pamuzinda wamudzviti pedyo nechiteshi chemabhazi anoenda kuHarare nekuSouth Africa.
Pamahofisi aya panga paine vanhu vashoma uye kunyoresa kwacho kuchitora nguva refu, izvo zvanga zvichipa kuti vanhu vanyunyute.
Pasvika nguva dzemasikati eChitatu, vanhu vasingapfuure makumi mashanu ndivo chete vanga vanyoresa
Mumwe wevanhu vanyoresa neChitatu, Amai Ellah Bhiza, vati havasi kufara nechinono chine vashandi veZEC.
“Zvinhu zviri kufamba hazvo zvakanaka asi vashandi vacho vari kuita rough kune vanhu vari kuda kuregister zvekuti unombonzi dzoka unotora chakati, pinda buda, wozouya, saka izvi zviri kubhowa vazhinji vanenge vasiri patient saka izvi zviri kushatirisa,” Amai Bhiza vakaudza Studio 7.
Mumwe wevanhu vanga vari mumutsetse, VaCallistus Nyere, vatiwo nzvimbo dzokunyoresa dzinofanirwa kuwedzerwa kuitira kuti vanhu vasapedza nguva yakawanda vakamirira kunyoresa.
Amai Tsitsi Kuture vatiwo havasi kufara nevanhu vanopindira pamitsetse pachiitwa zvechizivano nevashandi veZEC ava.
Mumwe murwiri wekodzero dzevanhu, VaLlyod Munguma, vatiwo chirongwa cheBVR chiri kufamba zvishoma nezvishoma nekuda kwekuti vashandi havasati vajairira michina mitsva yavari kushandisa.
Kunyangwe hazvo vamwe vari kunyunyuta nemafambisirwo ari kuitwa kunyoresa kuvhota, Muzvare Tilda Mhembere, vati havana chavaona pakunyoresa kwavaita nhasi sezvo zvese zvavafambira sekutarisira kwavo.
Hatina kukwanisa kuona mukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa ezvesarudzo mudunhu reManicaland, Colonel Moffat Masabeya, kuti tinzwe divi ravo sezvo vanzi vari kufambira matunhu eChimanimani, Chipinge uye neMutare South.
Chirongwa chekunyoresa vavhoti zvine mutsindo chatangira kumatunhu anoti Chimanimani, Chipinge, Mutare South, Mutare West uye Buhera South kubva musi 10 kusvika 25 Gumiguru.
Mushure mezvo, chichazopindawo mumamwe matunhu emuManicaland.
Facebook Forum