Accessibility links

Breaking News

Vechidiki Votadza Kutora Zvitupa kuMasvingo


Masvingo residents
Masvingo residents
1 bvr masvingo-sho-maramba
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vechidiki vanga vachida kutora zvitupa kekutanga pamahofisi ekwamudzviti kuMasvingo vanoti vatadza kutora zvitupa sezvo vashandi vepamahofisi aya vanga vachiti vanoda mari.

Vataura neStudio7 vati vashandi vehurumende vange vachida mari kuti vape vanhu zvitupa kunyange hazvo hurumende yakati vasina zvitupa vanofanirwa kuzvipihwa pachena kuitira kuti vakwanise kunyoresa kuvhota.

Mumwe wevechidiki, VaPraise Maridza, vati vave nemazuva vachidzoswa nekuda kwenyaya yevashandi vari kuda chioko muhomwe.

Muzvare Ellen Masara vati vashandi vepazvitupa vari kutoresa vanhu vashoma pazuva vasingapfuuri makumi mashanu vachiitira kuti vazhinji vasawane zvitupa zvekuzonyoresa kuvhota.

Mukuru webazi rekutoresa vanhu zvitupa muMasvingo, Amai Stembeni Chitsa, varamba kutaura neStudio7 kuti vatipewo pfungwa dzavo pane nyaya iyi.

Asi vamwe vagari vanoti kunyange hazvo vechidiki vari kunetseka, vanotarisira kuti panoparurwa chirongwa cheBlitz mudunhu ravo sangano reZEC rinenge ragadzirisa zvimhinga mupini zvose zviri kusangana nevamwe kune dzimwe nzvimbo

Muzvare Eshter Chimanikire vanoti vakatomirira kunyoresa kuwadhi kwavo vasingatarisiri kunetseka.

Vamwe vanoti havana ruzivo rwekuti chirongwa ichi chinotanga rini munzvimbo yavo sezvo ZEC isiri kushambadza kana kuisa ma ‘postor’ ekuzivisa vanhu.

Asi VaZivanai Chikwanda vati havasi kufara nekugadzirira kwe ZEC.

Zvichakadaro chirongwa chekunyoresa kuvhota muma ward chakaparurwa musi weChipiri muMasvingo mumatunhu matatu chete anoti Chiredzi yose, Mwenezi yose nedzimwe nzvimbo dze Chivi South. Chirongwa ichi chinopera munzvimbo idzi musi wa 25 Gumiguru.

Asi muguta reMasvingo chirongwa ichi chinotanga musi 29 Gumiguru.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG