Accessibility links

Breaking News

Bumbiro Idzva Rinotadza Kubuda Sezvanga Zvakatarisirwa


Komiti yepamusoro inokokera mabasa ekomiti yeparamende iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, kana kuti Management Committee, yakundikana zvakare kupedza bumbiro remutemo svondo rino sezvayainge yambovimbisa.

Vataura neStudio7 vanoti vave kutarisira kuti vapedze zvose zviri kudiwa pabumbiro neMuvhuro. Vanotiwo bumbiro rapera changosara inyaya yekugadzirisa gwaro rekupedzisira robva radhindwa.

Vanhu vakawanda vanoti vari kunyora bumbiro vave kupedza mari uye kungoisa zvido zvemapato avo pamberi kwete zvakataurwa nevanhu.

Sangano reNational Constitutional Assembly, NCA, rinoti rakagara razviona kuti kunyorwa kwebumbiro idzva hakuzi kuzokoshesha zvido zvevanhu nepamusana pekuti hurumende iripo hairemekedzi zvido zvevanhu.

Sangano iri rinoti richakurudzira veruzhinji kuti vasatambire bumbiro idzva iri pareferendamu ichaitwa munyika.

NCA yakakurudzira veruzhinji kuramba kutambira bumbiro idzva rakanyorwa richitungamirwa nehurumende pareferendamu yakaitwa muna Kukadzi 2000.

Gurukota rezvemabasa eparamende nebumbiro remitemo, VaEric Matinenga, vanoti kana poto yaibva ichaburwa yopakurwa vachiti izvi zvinotarisirwa kuitwa neMuvhuro.

XS
SM
MD
LG