Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeBulawayo Yoendesa Zesa kuMatare eDzimhosva


Bulawayo towers

Guta reBulawayo rinoti harizi kuzosiya zvivakwa zvaro zvichitorwa nekambani yeZesa, kubutikidza nekambani Zimbabwe Power Company, iyo iri pasi peZesa.

Kanjani iyi inogadzira magetsi munyika.

Kanzuru yeBulawayo inoti icharamba yakatsika madziro pahurongwa hwehurumende hwekuda kuputsa zvivakwa zvayo zviviri zviri pagwenya remagetsi anobva mumarasha paBulawayo Thermal Power Station.

NeChishanu pakaita kupesana kukuru pakati pekanzuru yeBulawayo negurukota rezvemhando dzemoto, VaFortune Chasi, pamusoro pedanho rehurumende rekuda kuparadzwa zvivakwa zviviri zviri izvi.

Meya weguta reBulawayo, VaSolomon Mguni, vanoti vakatokwidza nyaya iyi kumatare edzimhosva sezvo zvivakwa izvi zviri zvekanzuru yeguta ravo.

UMayor wako Bulawayo omutsha uMnu. Solomon Mguni
UMayor wako Bulawayo omutsha uMnu. Solomon Mguni

Zesa, kubudikidza neZimbabwe Power Company, inonzi iri kuda kubvisa zvivakwa izvi ichiti zvinogona kudhirika zvega zvikakonzera njodzi.

Asi VaMguni vanoti izvi hazvisi kuzoitika nekuti zvivakwa izvi hazvisi zve Zesa. VaMguni vati Zesa yakaita zvisiri pamutemo zvekuedza kuchinja muridzi wezvivakwa izvi ichizviisa muzita rayo.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuvakuru vakuru veZesa divi ravo panyaya iyi sezvo nharembozva dzavo dzanga dzichinetsa kubata.

Asi VaMguni vanoti vane magwaro anoratidza kuti zvivakwa izvi ndezvekanzuru yeguta ravo nokudaro hapana anokwanisa kutaura akamirira zvivakwa izvi kunze kwekanzuru yavo.

Bulawayo towers
Bulawayo towers

VaChasi vakaudza Studio7 neChishanu kuti kanzuru yeBulawayo inofanirwa kutaurirana neZesa vowirirana kuti voenderera mberi seyi.

VaChasi, avo vakaita musangano nekanzuru yeBulawayo, vakati rwendo rwavo kuBulawayo rwaive rwekuti vazivisane nekuonesana pamire zvinhu.

Asi VaMguni vanoti hapana hurongwa hunoitwa pazvivakwa zvavo kanzuru yavo isina ruzivo nazvo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG