Accessibility links

Breaking News

Prince Philip Vanovigwa kuBritain Vazhinji Vachiona Hurongwa Uhu paMadandemutande


United Kingdom, London, Britain's Queen Elizabeth II looks at the coffin of her husband, Britain's Prince Philip
United Kingdom, London, Britain's Queen Elizabeth II looks at the coffin of her husband, Britain's Prince Philip

Vaive murume wamambokadzi weGreat Britan Queen Elizabeth, Prince
Philip avo vakafa svondo rakapera neChishanu varadzidzikwa nhasi
masikati kuBritain pachitevedzerwa mitemo yekudzivirira
chirwere cheCovid-19.

Prince Philip, avo vakashaya vave nemakore makumi mapfumbamwe
nemapfumbamwe, varadzikwa pamuzinda weWindsor Castle pachiitiko change chiine vanhu vasingadarike makumi matatu senzira yekudzivirira
kutapuriranwa chirwere cheCovid-19.

Danho rekutevedzera mitemo yekuungana pamariro kwaita imba yehumambo iyi kwarumbidzwa nevanhu nevakawanda.

Vaimbove gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa, Dr Henry
Madzorera, vati hurumende yaratidza kuti inotevedzera mutemo uye inoenzanisa vanhu vose munyika.

Mutungamiri webato rinopikisa reMDC T, VaDouglas Mwonzora, vatiwo bato
rinorumbidza zvaitwa nemba yehumambo iyi zvekucherechedza mitemo yeWorld Health Organisation-WHO-zvekusawanda parufu.

VaMwonzora vati vanoshuwira kuti hukama hweZimbabwe neBritain
hudzoke pahwakange huri nguva yakare Zimbabwe isati yabuda
reCommonwealth pasi pehutungamiri hwevaimbove mutungamiri wenyika ,uchakabvu, Va Robert Mugabe muna 2003.

VaMwonzora vati Zimbabwe neBritain dzinogona kubatsirana
munyaya dzezvehupfumi, zvehutano pamwe nezvematongerwo enyika.

Mutauriri webato reZanu PF, VaSimon Khaya Moyo, vati tibate bazi
rezvekudyidzana nedzimwe nyika sezvo bato ravo risina chekutaura nekuti
mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakaendesa mashoko enyaradzo kumhuri yehumambo pamwe nevanhu vekuBritaini.

Hatina kukwanisa kubata vakafanobata chigaro chegurukota
rezvekudyidzana nedzimwe nyika, Prof Amon Murwira, sezvo mbozhanhare
yavo yanga isinga davirwe.

VaMnangagwa vakati Zimbabwe inochema nemhuri yaPrince Philip avo vakamboshanyira Zimbabwe mugore ra1991 apo vakaperekedza Queen Elizabetrh kumusangano weCommonwealth Heads of Government Meeting-CHOGM.

Asi VaMnangagwa vakati pasi pehutungamiri hwavo vachaedza nepose pavanogona napo kuitira kuti Zimbabwe idyidzane nenyika dzose zvisinei kuti ndedze kumabvazuva here kana kuti dzekumavirira.

Muchakabvu asiya mudzimai, Queen Elizabeth nevana vana vanoti Prince
Charles, Princess Anne, Prince Andrew naPrince Edward nevazukuru
vasere nevazukurubvi gumi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG