Accessibility links

Breaking News

Britain Yobatsira Paramende Kusimbaradza Mashandiro Ayo


Jacob Mudenda Speaker Of Parliament
Jacob Mudenda Speaker Of Parliament

Paramende iri kuita nhaurarino nebazi remuzinda weBritain rinoona nezvebudiriro yekunze kwenyika iyi, reDepartment of International Development kana DFID nechinangwa chekusimbaradza mashandiro emakomiti eparamende ayo anonzi neDFID haana kusimba pari zvino.

Mutauriri weNational Assembly, Advocate Jacob Mudenda, vazivisa izvi mushure mekutambira gwaro reongoororo yakaitwa neDFID pamusoro pemashandiro emakomiti eparamende kubva kumukuru weDFID muZimbabwe, Amai Catherine Weiss.

VaMudenda vati ongororo yeDFID inoratidza kuti makomiti eparamende anofanira kusimbaradzwa uye ivo vanobvumira nazvo.

Semuenzaniso muongororo yayo, DFID inoti zvimwe zvinofanirwa kuitwa kuona kuti nhengo dzeparamende dzinofanira kuve nhengo dzekomiti imwe chete, kwete kuve nhengo dzemakomiti maviri kana matatu sezviri kuitika pari zvino.

Chimwewo ndechekuti nhengo dzeparamende dzinofanira kupinda mumakomiti anoenderana nehunyanzvi hwezvaakadzidzira sekuti nhengo dzinopinda mukomiti yezvemutemo dzinofanira kuve magweta.

Asi VaMudenda vati izvi zvinonetsa kuita nekuti, kuti munhu asarudzwe kuve nhengo yeparamende, anofanira kuve nemakore gumi nemasere, kuve chizvarwa cheZimbabwe pamwe nekunge akanyoresa kuvhota chete uye hapatariswe kuti ane hunyanzvi hwei.

Asi vati vachashanda neDFID kuita zvimwe zviri kunzi zviitwe muongorora yeDFID.

Asi Amai Weiss varamba kutaura nevatori venhau sezvo vange vasina kupihwa mvumo yekutaura nevekumahofisi emuzinda weBritain muZimbabwe.

Mukuru wesangano rePlatform for Youth Development, VaClaris Madhuku, vaudza Studio 7 kuti zvingave zvakanaka chose kana basa remakomiti rikasimbaradzwa nekuti anoita basa guru.

Vati makomiti eparamende anotenderera nenyika yese achibvunzurudza vanhu panyaya dzakasiyana siyana kusanganisira nhunha dzevanhu pamwe nemabhiri ekuumba mutemo uye zvingave zvakanaka kuti nhengo dzeparamende dziwedzerwe ruzivo kuti dziite basa radzo nemazvo.

Vati chikuru chavanoda kuti hurumende iremekedze zvinoturwa nemakomiti kudare reparamende.

Asi mukuru wesangano reZimbabwe Democracy Institute, Doctor Pedzisai Ruhanya, vaudza Studio 7 kuti kunyange makomiti eparamende akasimbiswa, hazvina zvazvinobatsira nekuti paramende pachayo haina simba.

Vati mutungamiriri wenyika pamwe nemakurukota avo vane masimba akawandisa izvo zvinokanganisa mabasa eparamende.

Paramende ine makomiti anoenderana nemapazi ehurumende uye makomiti aya anoongorora mashandiro emapazi aya.

Kunzwe kwaizvozvo, makomiti aya anoitawo basa guru mukuumbwa kwemitemo inoenderana nemapazi aanoongorora.

Zvichakadai, VaMudenda vazivisa kuti mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanogona vanhu vavanoda kuti vave nhengo dzekomisheni inoona nezvekudzivirirwa kwehuwori mushure mekunge paramende yavapa mazita evanhu gumi nevaviri vakunda mubvunzo dzakaitwa neparamende masvondo maviri apfuura.

Komisheni iyi inofanira kuve nenhengo pfumbamwe uye VaMnangagwa vakatodoma, Justice Loice Matanda-Moyo sasachigaro wekomiti iyi.

Justice Matanda Moyo mudzimai wegurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG