Hurumende yeBritain kuburikidza nebazi rinoona nezvebudiriro yekunze kwenyika reDepartment of International Development, kana DFID, yapa Zimbabwe mabhasikoro zviuru zvitatu achashandiswa nevana vekuzvikoro zvekumaruwa avo vari kufamba nzendo refu kuenda kuzvikoro.
Vachitaura kuRuwa pakuparurwa kwemabhasikoro ayo apihwa hurumende ichishanda pamwe chete nesangano rinorwira kuti vanasikana vawane dzidzo yakanaka reCampaign for Female Education, kana kuti Camfed, mutungamiri weDFID muZimbabwe neSouth Africa, Amai Annabel Gerry, vati chirongwa chemabhasikoro ichi chabatsira vana vechikoro vakawanda.
Amai Gerry vati mabhasikoro aya achaita kuti vanasikana vachengetedzeke vasambunyikidzwe munzira nevarume vanogona kuvabata chibharo kana kutyorwa kwedzimwe kodzero dzavo.
Vatiwo vanotarisira kuti kuwana kwaita vana ava mabhasikoro kuchaitawo kuti vakwanise kudzidza zvakanaka vachizobuda zvakanaka mubvunzo dzavo sezvo vana vechikoro ava vanenge vave nenguva yakakwana yekuverenga.
Mutungamiri weCamfed, Amai Faith Nkala, vati vanasikana vazhinji munyika vari kufamba nzendo dzakareba kuenda kuchikoro vari kusangana nematambudziko akawanda pavanenge vachienda kuchikoro zviri kuzopedzisira zvaita kuti vana ava vasadzidze zvakanaka.
Mumwe mwana wechikoro wepaMukwengure Secondary School chiri kuMuzarabani, Maybe Munyaradzi, uyo ataura neStudio 7 aine mudzidzisi wake parutivi, anoti afara zvikuru kuwana bhasikoro achiti zvanga zvichimutorera maawa matatu kufamba mazuva ose kuti akwanise kubva kumba kwevabereki vake kuti asvike kuchikoro.
Kubudikidza nebhasikoro raapihwa, mwana uyu, uyo ari kuzonyora bvunzo dzefomu yechina gore rino, anoti ave kutarisira kuti achagadzirira bvunzo dzake zvakakwana sezvo nguva yaanga achishandisa kufamba chinhambwe ichi yave kuzodimburwa nekuchovha bhasikoro achienda kuchikoro.
Munyori mubazi redzidzo yepasi, Amai Tumisang Thabela, vati nerubatsiro rwemabhasikoro rwapihwa neDFID urwu, vave kutarisira kuti dzidzo yekumaruwa isimukire.
Amai Thabela vati hurumende iri kushandawo zvakasimba kuti vana vekumaruwa nevemumadhorobha vawane dzidzo yakanaka uye yakaenzana panosvika gore ra2020 pasi pechirongwa chairi kudaidzwa kuti Education Sector Strategic Plan 2016-2020.
Facebook Forum