Accessibility links

Breaking News

Botswana Yovandudza Mapirwo eZvizvarwa Zvekune Dzimwe Nyika Magwaro


Mutungamiri weBotswana VaMokgweetsi Masisi
Mutungamiri weBotswana VaMokgweetsi Masisi

Mukutanga kwemwedzi waGunyana, mutungamiri weBotswana, VaMokgweetsi Masisi, vakazivisa kuti hurumende yavo ichavandudza kupihwa kwemagwaro ekugara nekushanda kuzvizvarwa zvekune dzimwe nyika.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvizhinji zvange zvave pedyo nekutakura mikwende yazvo zvakananga kumusha sezvo Botswana yakambenge yadzika mitemo inoomesera vekune dzimwe nyika.

VaMisheck Chivhembe, avo vane makore makumi matatu nemaviri, vanoti mamiriro ezvinhu muBotswana ava nani kupinda makore apfuura.

Mashoko aVaChivhembe atsinhirwa nachimwewo chizvarwa cheZimbabwe, VaMorris Nyamandwe, avo vanoshanda mabasa emaoko muGaborone.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe, VaNkululeko Dube, vanoti havazive kuti vangatenda sei VaMasisi nedanho ravakatora.

VaDube vanoti kusapihwa magwaro nehurumende kwakanga kwoita kuti vafunge kuenda kuSouth Africa uko zvizvarwa zvinobva kune dzimwe nyika zvinooneswa ndondo nevanhu venyika iyi.

Apo Botswana yaitungamirwa naVaSeretse Khama Ian Khama, zvakanga zvisiri nyore kuti magwaro ekushanda nekugara munyika iyi abude.

Machinjiro ezvinhu aya afadza mumwe muzvinabhizimisi mudhorobha reFrancistown, VaPatrick Matenge, vanoti zvakaitwa neBotswana zvinhu zvakanakira mabhizimisi emunyika iyi.

Kunyange hazvo kusina humbowo hwakati tsvikiti hwezvizvarwa zveZimbabwe zvinogara muBotswana, huwandu hwazvo hunofungidzirwa kuti hunodarika vanhu vemunyika iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG