Accessibility links

Breaking News

Botswana Yodzinga Vapoteri veZimbabwe Vari muNyika Iyi


Mutungamiri weBotswana VaMokgweetsi Masisi
Mutungamiri weBotswana VaMokgweetsi Masisi

Zvizvarwa zveZimbabwe zvinopinda zana izvo zvanga zviri muhupoteri pamuzinda weDukwi Refugee Camp muBotswana zvinoti hurumende yenyika iyi yaramba kugamuchira chichemo chavo chekuti zvisadzoserwe kumusha zvichiti kukandwa mumukanwa mamupere.

Vapoteri ava vanga vakumbira hurumende yeBotswana kuti vapihwe hugari hwemunyika iyi kana kuti vatsvagirwe dzimwe nyika dzavangaende kunogara kwadziri vachiti kumusha hakuna kumira zvakanaka.

Vakuru wehurumende yeBotswana varamba kudaira mibvunzo yeStudio7 munyaya iyi.

Asi mugwaro raonekwa neStudio7 iro rakanyorerwa mumwe wevanhu vanodarika zana avo vanga vachikumbira kuti vasadzoserwe kumusha, hurumende yeBotswana inoti haioni kuti zvichemo zvavo zvine huremu hwekuti vakaenderera mberi iri vapoteri.

Gwaro iri rinoenderera mberi richiti gurukota rinoona nezvekudzivirirwa kwenyika iyi, VaKagiso Mmusi havaoni zvizvarwa zveZimbabwe izvo zvanga zviri pamuzinda weDukwi iri vapoteri vakatiza zvematongerwo enyika.

Nokudaro, hurumende yenyika iyi inoti avo vanenge vasina kunyoresa kuti vadzoserwe kumusha pasi pechirongwa chevoluntary repatriation vachaitwa musenga bere nevashandi vebazi rinoona nezvekupinda nekubuda kwevanhu munyika iyi.

Mutauriri wevapoteri paDukwi, VaBhekimpilo Weza vaudza Studio7 kuti Botswana iri mukavhiya katiyo nehurumende yeZimbabwe kuti avo vanga vari muhupoteri vadzoserwe kumusha zvisiri pamutemo.

VaWeza vaenderera mberi vachiti mamiriro ezvematongerwo enyika haasati ashanduka munyika sezvo hurumende yeZANU PF iyo yavakatiza makore gumi nemairi apfuura ndiyo ichiri panyanga uye ichi kuenderera mberi nekupfuvisa avo vanotsigira bato reMDC.

Mukokeri wesangano reHuman Rights Watch kumaodzanyemba eAfrica, VaDewa Mavhinga vaudza Studio7 parunhare kuti zviri kuitwa nenyika yeBotswana kumbunyikidza kodzero dzevapoteri uye hazvienderani nezvinotarisirwa nesangano reUnited Nations High Commissioner for Refugees.

Senzira yekuzadzikisa chibvumirano chakaitwa nenyika dzepasi rose muna1951, VaMavhinga vanoti Botswana inosungirwa kutsvagira vapoteri veZimbabwe nyika dzikavapa hupoteri pane kuti vadzoserwe kumusha.

Mugore ra2008, vapoteri ava ruzhinji rwavo vachiti vatsigiri weMDC, vakatiza misha yavo mushure mekurohwa zvakaipisisa nevanofungidzirwa kuti vatsigiri weZANU PF panguva yakaitika sarudzo dzemutungamiri wenyika dzedzokororo kana kuti runoff.

Nyaya Ina Shingirai Madondo
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG