Accessibility links

Breaking News

Botswana Yobvisa Nhumwa Dzayo muZimbabwe Ichinyunyuta neMabatirwo eZvizvarwa Zvayo.


Botswana inoti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vanonzi vakaramba kutaura nemutevedzeri wenyika iyi nezvekusungwa kwezvizvarwa zveZimbabwe zvakapinda muBotswana zvisiri pamutemo.

Botswana inoti iri kudzora kumusha vamiriri vayo vaviri vari muZimbabwe, mushure mekunge paita ropa rakaipa pakati penyika mbiri idzi nekusungwa kwakaitwa vanhu vatatu vekuBotswana vanochengetedza mhuka avo vakarasikira muZimbabwe.

Mutauriri weBotswana, VaJeff Ramsay, vanoti vari kudzora vanoona nezvekudzivirirwa kwenyika uye kusora vari muZimbabwe, uye vanotarisirawo kuti Zimbabwe idzore nhumwa dzayo mbiri kubva kuBotswana.

VaRamsay vanoti vatora danho iri mushure mekunge mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, varamba kuita hurukuro nemutevedzeri wemutungamiri wenyika yavo, kumusangano we African Union wakapera muEthopia svondo rino.

Zvizvarwa zveBotswana izvi zvinoti zvaitevera shumba yazvaida kuteya, zvikazopedzisira zvapinda muZimbabwe . Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika muZimbabwe VaSimbarashe Mumbengegwi. Asi hukama pakati peZimbabwe neBotswana hwagara husina kumira zvakanaka nekuda kwekuti Botswana inoshora mabasa aVaMugabe ekutyora kodzero dzevanhu.

VaPedzisayi Ruhanya vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vari Programmes Manager weCrisis in Zimbabwe Coalition. VaRuhanya vanoti zviri kuitwa neZimbabwe zvinonyadzisa.

XS
SM
MD
LG