Accessibility links

Breaking News

Botswana Inodzika Mutemo Unoti Vanhu Vagare Mudzimba Dzavo kweMwedzi Mitanhatu


Botswana President Mokgweetsi Masisi says the army will defend the country against "intruders." (Mqondsisi Dube/VOA)
Botswana President Mokgweetsi Masisi says the army will defend the country against "intruders." (Mqondsisi Dube/VOA)

Hurumende yeBotswana yadzika mutemo we State of Emergency uyo uchange uchishanda kwemwedzi mitanhatu senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCoronavirus.

Mutemo uyu, uyo wasainwa nemutungamiri weBotswana, VaMokgweetsi Masisi, unosungira kuti vanhu vagare mudzimba dzavo kwemwedzi mitanhatu, uye kuti makambani ape vanhu zvikwanisiro zvekuti vashande vachibva kudzimba dzavo.

Mutemo we Emergency Covid-19 Amendment Number 2 Regulations of 2020, watanga kushanda zviri pamutemo mushure mekunge wapasiswa nedare raparamende, uye kusainwa naVaMasisi.

Mutemo uyu unorambidza makambani kudzinga vashandi munguva iyo unenge uchishanda, uye wapawo mutongi mukuru wematare edzimhosva, masimba ekutara zvinofanirwa kuitwa nematare edzimhosva munguva yeLockdown iyi.

Mutemo mutsva uyu wadzikwa panguva iyo hutungamiri hweBotswana, kusanganisira nhengo dzeparamende, makurukota ehurumende pamwe nemutungamiri wenyika, hwange hwatotanga kare kuita hurongwa hwekumbogara kudzimba, kana kuti self quarantine, kwemazuva gumi nemana zvichitevera kusangana kwahwakaita nemushandi wezvehutano ane chirwere cheCoronavirus.

Asi chiitiko ichi chichaita kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara muBotswana zviomerwe nehupenyu sezvo pasisina achabvumirwa kuenda kubasa panguva iyi.

Muzvare Sandra Sondelelo, avo vanoshanda mumba, vanoti dai zvizvarwa zveZimbabwe zvabvumirwa kuti zvidzokere kumusha nokuti hakuchina chavachagarira muBotswana kwemwedzi yose iyi.

Chimwewo chizvarwa cheZimbabwe, Amai Pesilah Tarisai, vati vabereki nehama dzavanga vachibatsira vachadya nhoko dzezvironda sezvo vasingakwanise kutumira zvekudya.

Botswana yaita nyika yekutanga mudunhu rekuchamhembe kweAfrica kutora danho rakadai, iro rine nguva yakareba vanhu vachinzi vagare mudzimba dzavo senzira yekudzivirira chirwere cheCoronavirus, icho chauraya munhu mumwe chete muBotswana, uye kubata vanhu gumi nevatatu munyika iyi.

Asi zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara muBotswana zvinoti zviri kubatsira vamwe vavo vasina zvekudya uye pekugara panguva iyo nyika iyi inenge yakavharwa.

Muzvare Faith Musesekedzi avo vanogara mudhorobha reFrancistown muBotswana vanoti vari kuchengeta zvizvarwa zveZimbabwe zvitatu izvo zvakapererwa nemabasa mushure mekuparurwa kwechirongwa chekugara mudzimba.

Chimwewo chizvarwa cheZimbabwe chiri kubatsira vamwe nezvekudya uye kuvabhadharira mari epavanogara, VaMorgan Tambaoga, vanoti vakazvipira kuita izvi kusvikira zvinhu zvanaka.

Mumwe wevari kubatsirwa nechikafu uye kubhadharirwa mari yepamba pavanogara, Muzvare Primrose Moyo, vaudza Studio7 kuti vanotenda zvikuru nerubatsiro rwavari kuwana.

Ongorororo yaitwa neStudio7 inotaridza kuti ruzhinji rwevana veZimbabwe vari muBotswana vari kugara vari muzvikwata zvavanhu vatanhatu kana vanomwe senzira yekuti vaite muonera pamwe netwushoma twavainatwo.

Asi nyanzwi munyaya dzezvehutano, VaChristopher Mbewe, vanoti kugara vanhu vakaungana mukanzvimbo kadiki kunoita kuti cherwere cheCOVID-19 chipararire nekukurumidza.

Chirwere cheCoronavirus, icho chakatangira mudhorobha reWuhan kuChina gore rapera, chabata vanhu vanodarika miriyoni imwe chete nemazana mashanu ezviuru, uye chauraya vanhu vanosvika zviuru makumi mapfumbamwe pasi rose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG