Accessibility links

Breaking News

Botswana Yoronga Kudzosera Kumusha Zvizvarwa zveZimbabwe Zvakapotera Munyika Iyi


Dukwi Refugees
Dukwi Refugees

Nyanzvi munyaya dzekurwira kodzero dzevanhu muBotswana dziri kushoropodza danho rehurumende yenyika iyi rekuda kudzosera nechisimba zvizvarwa zveZimbabwe zviri muhupoteri paDukwi Refugee Camp dzichiti kuita izvi kunotyora kodzero dzevapoteri ava.

Pfungwa idzi dzinouya mushure mekunge dzihurumende dzeZimbabwe neBotswana, dzakabatana nesangano reUnited Nations High Commission for Refugees, kana kuti UNHCR, dziri mubishi rekugadzirira kudzosera zvizvarwa zveZimbabwe izvo zviri muhupoteri, kumusha kwazvo munguva pfupi iri kutevera.

Gurukota rinoona nezvekudzivirirwa kweBotswana, VaShaw Kgathi, vaudza Studio7 kuti hurongwa hwekudzosera zvizvarwa zveZimbabwe zvakanga zvakapotera muBotswana, hwava pachinhanho chiri pamusoro.

Asi mashoko aVaKgathi aya aita kuti nyanzwi munyaya dzekurwirwa kwekodzero dzevanhu dzishore danho iri dzichiti maitiro akadai anotyora kodzero dzevapoteri nekusavapa chengetedzo mushure mekutiza kunyika dzavo.

Nyika dziri musangano remubatanidzwa wenyika dzepasi rose, kusanganisira Botswana, dzakaita zvisungo zve1951 Refugee Convention ne1967 Protocol izvo zvinosungira nyika idzi kuchengetedza vapoteri.

Nyanzvi munyaya dzekodzero dzevanhu uye vari mudzidzisi wemitemo paUniversity of Botswana, Doctor Tachilisa Balule, vaudza Studio7 kuti kudzosera vapoteri kuZimbabwe kuzvidza mirau inochengetedzwa kodzero dzevapoteri.

Doctor Balule vati Zimbabwe iri kutadza kuchengetedza kodzero dzezvizvarwa zvayo, izvo zviri kupa kuti nyika dzakaita seAmerica, dzisabvise zvirango zvakatemerwa vakuru vakuru muhurumende nemuZanu PF.

Imwe nyanzvi munyaya dzekuchengetedzwa kwekodzero dzevanhu, VaShupikai Gangaudze, vanoti Botswana inofanirwa kutanga yaita ongororo yekuti mhirizhonga yakatizwa nevapoteri yakapera here, kana kuti kwete.

Mukuru weUHNCR muBotswana, VaAdrian Gupta, vanoti hupoteri hwezvizvarwa zveZimbabwe muBotswana hwakapera mugore ra2013 vachiti zvizvarwa izvi zvigere muBotswana nokuda kwetsitsi dzehurumende yeBotswana.

Dukwi Refugee Camp ine vapoteri mazana matanhatu nemakumi mana vanobva kuZimbabwe, asi vazhinji vavo vari vatsigiri veMDC vakatiza mhirizhonga yakaitika muna 2008, iyo yakasiya nhengo dzeMDC dzinosvika mazana maviri dzaurayiwa, uye vanhu vanodarika zviuru zvitatu vasisina pekugara mushure mekupisirwa dzimba dzavo pamwe nekutorerwa zvipfuyo zvavo nevatsigiri veZanu PF.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG