Accessibility links

Breaking News

Botswana Inoti Haisi Kuzoita Zano Ndega paKugadzirisa Zvinonzi Zviri Kunetsa muZimbabwe


Mutungamiri wenyika yeBotswana VaMokgweetsi Eric Keabatswe Masisi
Mutungamiri wenyika yeBotswana VaMokgweetsi Eric Keabatswe Masisi

Apo nyaya yeZimbabwe yoramba ichitemesa vakawanda musoro muAfrica nepasi rose, Botswana inoti haisi kuzoshanda semupurisa wenyika dziri mudunhu reSADC panguva iyo nyika iyi ichange yakabata matomu ehusachigaro hweSADC Organ on Politics, Defense and Security Cooperation.

Vachipindura mubvunzo wanga wabvunzwa nemukuru wemapato anopikisa muBotswana, VaDumelang Saleshando muparamende yenyika iyi nhasi, gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muBotswana, Doctor Lemogang Kwape vati Botswana haisi kuzopindira zvakanyanya mune dzimwe nyika apo inenge ichitungamira bazi reSADC rezvematongerwo enyika kana kuti SADC Troika on Politics and Defence.

Dr. Kwape avo vakabata matomu ehusachigaro hwe SADC Ministerial Committee of the Organ on Politics, Defense and Security Cooperation, vaenderera mberi vachiti kune gwara rinotewerwa iro ranga richishandiswa kwemakore mukugadzirisa zvimhinga mupinyi zvinonetsa mudunhu.

Mumubvunzo vavo, VaSaleshando vanga vachida kuziva kuti Botswana, iyo yakapihwa matomu ehusachigaro hwebazi iri neZimbabwe mwedzi wakapera, ichatora matanho akaita sei mukugadzirisa matambudziko ehupfumi hwenyika uho hwava nemakore hwakananga kumawere uye kutyorwa kwavanoti kuri kuitwa kwekodzero dzevanhu muZimbabwe.

VaSaleshando vanoti kusamiria zvakanaka kwezvinhu muZimbabwe kuri kuremedza nyika yeBotswana mukuchengeta vapoteri vari kutizira munyika iyi.

Mukuru wezvirongwa zvesangano reZimbabwe Network for Social Justice, VaTendai Mbofana vaudza Studio7 parunhare kuti mashoko ataurwa neBotswana haashamisi nokuti igaroziva kuti mhanza yembudzi iri mumabvi.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzange dzichitarisira kuti mutungamiri wenyika yeBotswana VaMokgweetsi Masisi vanenge vasingarume vachifuridzira panyaya yeZimbabwe sezvaiitwa nevaive mutungamiri wenyika iyi VaIan Khama.

Imwe nyanzwi munezve matongerwo enyika VaTafadzwa Matambo vaudza Studio7 kuti Botswana inyika diki kwazvo mukugadzirisa matambudziko ari kusangana neZimbabwe pari zvino.

Kunyangwe hazvo, mutungamiriri weSouth Africa VaCyril Ramaphosa vakatumira zvikwata zvenhumwa zviviri kuZimbabwe, Zimbabwe iri kuramba ichitsika madziro ichiti hapana chinoda kugadziriswa munyika. Vachitaura mukupera kwesvondo mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakati nhumwa dzaVaRamaphosa dzakapinda munyika kuzoona ivo nebato ravo reZanu-PF kwete vanopikisa.

Asi veANC vari kuti vchadzoka munyika kuzoita misangano nevanopikisa nemasangano akazvimirira akakumbira musangano navo. Kusagadzikana kwezvinhu munyaya dzezvehupfumi nematongerwo enyika muZimbabwe kunonzi kwave kuremera dzimwe nyika sezvo vakawanda vave kuenda muhupoteri munyika idzi.

Nyaya Ina Shingirai Madondo
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG