Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe Zvinobatana nezveBotswana paMhemberero dzeKuzvitonga


Botswana flag
Botswana flag

Zvizwarwa zveZimbabwe zviri muBotswana nhasi zvabatana nezvizvarwa zvenyika iyi mukupemberera makore makumi mashanu nematatu Botswana yawana kuzvitonga kuzere.

Botswana ndeimwe yenyika dzemuAfrica dzakazvipira mukubatsira Zimbabwe kuti isununguke.

Botswana yakawana kuzvitonga kubva kunyika yeBritain musi wa30 Gunyana 1966, muchiitiko charumbidzwa nevakawanda semukana wakaita kuti Zimbabwe ibatsirikane mukuwanawo kwayo kuzvitonga.

Zimbabwe, iyo yakanga iri pasiwo pehutongi hweBritain, ikazove pasi pehutongi hwamushakabvu, VaIan Douglas Smith mushure mekunge Rhodesia yazvipa rusununguko yega kubva kuBritain isati yadzokera zvakare mumaoko eBritain, inonzi yakawana rubatsiro rwakakosha zvikuru kubva kuBotswana kusvika iwane kuzvitonga kuzere musi wa18 Kubvumbi 1980.

Mutungamiri webato reMavambo/Kusile/Dawn, Doctor Simbarashe Makoni, vakagara muBotswana kwemakore gumi mushure mekudomwa semunyori wesangano reSADC mugore ra1983.

Doctor Makoni vaudza Studio7 kuti Botswana yaive nhengo hombe yechikwata chenyika dzaitsigira hondo dzerusunguko munyika dzinosanganisira Zimbabwe, Mozambique, Angola, Namibia neSouth Africa.

Doctor makoni vaenderera mberi vachiti Botswana yakapa zvizvarwa zveZimbabwe zvizhinji hupoteri pamuzinda wevapoteri weDukwi Refugee Camp, apo paichengetwa vanhu vaitiza hondo munyika.

Hukama pakati penyika mbiri idzi hunofadza ruzhinji rwevana veZimbabwe vanogara nekushanda muBotswana, izvo zvaita kuti vabatatane nezvizvarwa zveBotswana mukurangarira zuva iri.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chinogara mudhorobha reFrancistown, VaPatson Mushayabasa, vaudza Studio7 kuti kugokedzana moto kwenyika mbiri idzi ndiko kuri kuita kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvigamuchirike muBotswana.

VaChristopher Chingwanangwana, avo vanorarama nechamuka inyama mudhorobha reFrancistown, vati chikumbiro chavo chikuru ndechekuti Botswana iratidze zvakare chido chayakamboratidza munguva yehondo kuitira kuti ibatsire kubvisa Zimbabwe mumadhaka mairi nhasi mune zveupfumi.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaNorman Mufandaedza, vati Botswana inyika yakabvira kare mukuchengeta zvizvarwa zveZimbabwe zvakanyanya zvichiyenzaniswa nedzimwe nyika.

VaMokgweetsi Masisi, mutungamiri wenyika iyi, vanga vari pakati pezvizvarwa zveBotswana zvaswera zvichipemberera zuva iri munhandare yeNational Stadium muguta guru renyika iyi reGaborone.

Nyaya ina Shingirai Madondo
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG