Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoti Hapana Anomanikidzwa Kushandisa Bond Notes


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

achipindura mibvunzo iyi kubva kunhengo dzeNational Assembly muHarare, VaMnangagwa vati hapana anomanikidzwa kushandisa mari iyi.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vaudza nhengo dzeparamende muHarare, kuti vanhu vasingade mari ichangobva kuparurwa yema Bond Notes vakasununguka kushandisa mari yavanoda, uye vati hapana chinotyisa pamari iyi sezvo iri kushandiswa zviri pamutemo.

Vachipindura mibvunzo iyi kubva kunhengo dzeNational Assembly muHarare, VaMnangagwa vati hapana anomanikidzwa kushandisa mari iyi.

Vatiwo veruzhinji havafaniri kutya kuti bhanga guru renyika richadhinda ma Bond Notes anodarika mamiriyoni mazana maviri akabvumiranwa nebhanga iri neAfrica Export and Import Bank (Afrexim Bank) vachiti mari iyi iri kudhindwa kune imwe nyika yekunze zvichiongororwa neveAfrexim Bank.

Vati chero bhanga guru rikada kudhinda mari iyi inodarika mamiriyoni mazana maviri izvi hazvikwanise kuitika nekuti hazvisi muchibvumirano chayakaita nenyika iyi neAfrexim Bank.

Asi imwe nyanzvi munyaya dzehupfumi vachishanda vakazvimirira, VaJames Johwa, vati hapana anoziva chibvumirano chebhanga guru renyika neAfrexim Bank uye ndosaka paine kutyira kuti pane zvinogona kuitwa.

Vamwe vagari vemuHarare vakaita saVa Succeed Mapfumo vati havazi kuziva kuti VaMnangagwa vanorevei kana vachiti hapana munhu anomanikidzwa kushandisa mari itsva iyi.

VaMapfumo vanoti mabhanga ave kutomakidza vanhu kutora maBond Notes kunyange vasingade kana vachida.

Mumwe muzvina bhizimisi asina kuda kudomwa nezita audza Studio 7 kuti vari kumanikidzwa kutambira mari iyi vasingade uye vari kutambira mari yi sezvo vachitya kutorerwa marezenisi avo.

Nhengo dzeparamende dzabvunzawo VaMnangagwa kuti sei chibvumirano chemari yechikwereti chakashandiswa pachirongwa chemaBond Notes chisina kuunzwa kudare iri uye VaMnangagwa vapindura vachiti mukuru weReserve Bank of Zimbabwe anobvumirwa pasi pemutemo webhanga iri kukwereta mari kana kupinda muzvibvumirano nemamwe mabhanga zvekusimudzira hupfumi hwenyika zvakaita sechirongwa chema Bond Notes.

Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vatendawo veruzhinji nevemabhizimisi nekutambira mari yakaunzwa nehurumende uyewo vakurudzira avo vasiri kuda kuti vaitambire vachiti ndomari iripo pari zvino.

XS
SM
MD
LG