Accessibility links

Breaking News

Bona Mugabe neVamwe Vana Vopikisa Mutongo Wekuti VaMugabe Vafukunurwe Vaendeswe kuHeroes Acre


Amai Bona Mugabe-Chikore

Vana vevaimbove mutungamiri wenyika mushakabvu Robert Mugabe nemusi weMuvhuro vakakwira kudare repamusoro reHigh Court vachipikisa mutongi wamejasitiriti panyaya yekuti baba vavo vafukunurwe kuti vavigwe patsva.

Kuburikidza negweta ravo VaFungai Chimwamurombe vana vaVaMugabe vanoti Bona Mugabe, Tino Robert Jnr naBellamine Mugabe vanoti mutongo wamejasitiriti wakaresva pakuvarambidza kuve nechekuita nezvekuvigwa kwababa vavo.

VaChimwamurombe vavati vaendesa mapepa echimbichimbi nhasi kuti nyaya yavo inzwikwe nedare reHigh Court.

Vati vanofunga kuti mutongi wedare ramejasitiriti muChinhoyi Amai Ruth Moyo vakakanganisa sezvo akati vana vaVaMugabe vainge vasingabvumirwe pamutemo kuunza nyaya kudare zvichinzi vainge vasiri mumapepa kana munyaya yakatongwa naMambo Zvimba pakutanga sezvo painge paina amai vavo Grace Mugabe chete.

VaChimwamurombe vanoti zvimwe zviri kusimbisa nyaya yavo ndezvekuti mumwe mwana Bona Mugabe akaitwa mugovi wenhaka zvichireva kuti ane chekuita pane zvose zvine chekuita naVaMugabe.

Gweta guru VaAleck Muchadehama vanoti kukwidzwa kwenyaya iyi nevana vaVaMugabe zvinoreva kuti mutongo waMambo Zvimba wekuti mutumbi waVaMugabe ufukunyurwe wasendekwa parutivi kusvikira nyaya yanzwikwa nedare reHigh Court.

Studio 7 yayedza kubata Mambo Zvimba kuti tinzwe divi ravo asi vabva vadzima nharembozha yavo mushure mekunge tavazivisa kuti tiri vatori venhau.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG