Accessibility links

Breaking News

Mutumbi waVaMugabe Wotarisirwa Munyika neChitatu Masikati


Kembo Muhadi Mugabe Singapore
Kembo Muhadi Mugabe Singapore

Mutumbi wevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, uchasvika muHarare neChitatu masikati uye ndipo pachaziviswa hurongwa kwekuradzikwa kwavo.

Izvi zvaziviswa negurukota rezvekuburitswa kwamashoko, Amai Monica Mutsvangwa, mushure memusangano wedare remakurukota.

Amai Mutsvangwa vati pane makomiti ehurumende ari kugadzirira hurongwa kwekuradzikwa kwaVaMugabe.

Pavabvunzwa kuti sei zviri kutora nguva kutaura kucharadzikwa VaMugabe, Amai Mutsvangwa pamwe nekugurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo, vati hapana chinoshamisa pane zviri kuitika vachiti hurongwa hwekuradzikwa kwavo huchaziviswa mushure mekunge mhuri yaVaMugabe, iyo iri kuSingapore, yasvika munyika.

Vati hurumende nemhuri yaVaMugabe zviri kuronga pamwe chete hurongwa uhu.

Ukuwo mutauriri wemadzimambo edzinza raVaMugabe, Mambo Katizagombo, avo vanonzi Gibson Jenami, vati hapachisina makakatanwa pamusoro pekuvigwa kwaVaMugabe sezvo hurumende, ichitungamirirwa naVaEmmerson Mnangagwa, yave pamberi pezvose zvichaitwa.

Ukowo Major General Trust Mugoba, avo vakashayawo svondo rapfuura, vacharadzikwa neChitatu panzvimbo inovigwa magamba yeHeroes Acre muHarare.

Mune imwewo nyaya hurumende inoti pane zvizvarwa zveZimbabwe zana nemakumi manomwe nezvisere zvakabatwa batwa nemhirizhonga iri kuitika kuSouth Africa uye pane vanhu vaviri vekuZimbabwe vakashaya mumhirizhonga iyi.

VaMoyo vati hurumende iri kuronga kuunza vanhu ava nemitumbi yevaviri ava kumusha.

Hurumende inotiwo vashandi mubazi rezvehutano kusanganisira vana chiremba vakatobhadharwa mari yakawedzerwa neezvikamu makumi matanhatu kubva muzana yekuti vabatsirikane uye nhasi dare remakurukota raita chisungo chekuti bazi rezvehutano nemari zvigare pasi kuona kuti vashandi ava vapihwa mari dzinofadza.

Gurukota rezvehutano, Doctor Obadiah Moyo, vati vachagara pasi nebazi rezvemari kuona kuti chisungo chedare remakurukota chatevedzwa.

Vanachiremba vakatanga kuramwa mabasa svondo rapfuura vachitsutsumwa kuti mari dzavo dzemihoro hadzina zvadzichabatsira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG