Accessibility links

Breaking News

Mutumbi waVaTerrence Masendeke Waongororwa neNyanzvi neChina Mangwanani


Des parents remmènent à la maison un patient couché sur une civière, victime d’un accident, sortant de la salle d’urgence à Harare, Zimbabwe, 21 août 2009.
Des parents remmènent à la maison un patient couché sur une civière, victime d’un accident, sortant de la salle d’urgence à Harare, Zimbabwe, 21 août 2009.

Dare redzimhosva ratura neChina masikati mutongo unokomekedza hurumende kuti iite ongororo yechimbi chimbi pamutumbi waVa Terrence Masendeke, avo vakapfurwa vakafa mwedzi wapera kuminda yemangoda kwaChiadzwa mudunhu reManicaland.

Vachipa mutongo wavo anyaya yakakwidzwa nemagweta anorwira kodzero dzevanhu musangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights, achimirira mhuri yekwaMasendeke, mutongi wedare repamusoro, VaNicholas Matonsi, vati mhuri yekwaMasendeke inofanirwa kupihwa mukana wekuona mutumbi wemufi, uye kuti ive nachiremba akazvimirira achaongororawo chakauraya hama yavo.

Asi chipatara cheParirenyatwa chinonzi chakwanisa kuita ongororo pamutumbi waVa Terrence Masendeke neChina mangwanani mutongo usati waturwa naVaMatonsi.

Gweta ranga rakamirira mhuri yekwaMasendeke mudare, ndiAmai Fiona Iliff, veZimbabwe Lawyers for Human Rights.

Sangano iri rinoti kunyange hazvo hurumende yakwanisa kuita zvimwe zviri mumutongo wedare, hurumende inofanirwa zvakare kuona kuti mhuri yekwaMasendeke yakwanisa kuti mutumbi uyu uongororwe nachiremba anosarudzwa nemhuri iyi.

Mutauriri weZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaKumbirai Mafunda, vanoti sangano ravo riri kufara kuti paitwa mutongo wematare unofanirwa kutevedzwa nehurumende.

VaTerrence Masendeke vakapfurwa vakafa musi wa15 Chivabvu vari pakati pevanhu vanonzi vainge vari muminda yemangoda kwaMarange zvisiri pamutemo.

Pavakapfurwa vakafa, mapurisa ekuManicaland haana kuda kubuda pachena panyaya iyi apo akabvunzwa neStudio7 iyo yakatanga kuburitsa nyaya iyi.

Mufi akasiya mudzimai nemwana mudiki.

Sangano re Zimbabwe Lawyers for Human Rights rinoti panofanirwa kutorwa matanho sezvo mufi akasiya mudzimai nemwana anoda kuchengetwa.

Mutauriri wemhuri yemufi, VaRichard Masendeke, ichokwadi kuti mutumbi waongororwa uye wabviswa mabara matatu.

Vatiwo imwe ongororo ichaitwa neChishanu navana chiremba vakasarudzwa nemhuri kuti iburitsewo zvakauraya mwana wavo.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa sezvo mutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi, vanga vasiri kupatika parunhare rwavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG