Accessibility links

VaMafume Vanoti VaBiti Chete Ndivo Mutungamiri wePDP, Kwete Amai Matibenga


VaJacob Mafume

Kusawirirana mubato re People's Democratic Party, PDP, kwakasvika pakupatsanuka kwebato iri zvichitevera kudzingwa kunonzi kwakaitwa mutungamiri webato iri, VaTendai Biti, nechikwata chinonzi chinotungamirwa naVaGorden Moyo, vanova munyori mukuru webato iri.

Chikwata chaVaMoyo chinoti chagadza Amai Lucia Matibenga semutungamiri atsiva VaBiti.

Asi mutauriri webato iri, VaJacob Mafume, avo vakarerekera kuchikwata chinotsigira VaBiti, vati zvaitwa nechikwata chaVaMoyo hazvisi pamutemo.

VaMafume vati vanoshamisika zvikuru kuona vanhu vanopikisa kubatana nemamwe mapato mukurwisa Zanu PF musarudzo.

VaBiti vaudza Studio 7 kuti hazvigone kuti munhu angomuka mumba make achidzinga mutungamiri webato revanhu uye vakati vanhu vakaita izvi havanzwisisi bumbiro remitemo yebato.

Vatiwo munhu wese asingatenderani nezvinodiwa neruzhinji rwenhengo, anogona kubuda mubato iri.

VaMafume, mumwe wevanonzi vadzingwa mubato, vati zvakaitwa nechikwata chaVaMoyo ndezvamahumbwe nokuti nyika yese iri kuti mapato ese ezvamatongerwo anopikisa anofanira kubatana kuti Zanu-PF ibve pachigaro.

"Haisisiri nguva yokuti vanhu varambe vachiita zverudzi," VaMafume vaudza Studio7. " Yave nguva yekubatana nevamwe vese."

VaMafume vati bato ravo harisi kuzodzokera shure panyaya yekubatana nemamwe mapoka anopikisa vachiti vanhu vachavaratidza kuti humbimbindoga hauchadiwa sezvo nyika ichida kusunungurwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG