Accessibility links

Breaking News

VaBiden Votungamira Musarudzo yeMutungamiri weAmerica


Trump Biden
Trump Biden

Matunhu emuAmerica achiri kuburitsa zvakabuda musarudzo dzakaitwa neChipiri munyika yose.

Vaimbove mutevedzeri wemutungamiri wenyika, uye vari mumiriri we Democratic Party musarudzo yemutungamiri weAmerica, Va Joe Biden, vari kutungamira kubva kune zvaburitswa kubva kumatunhu anoti Delaware, District of Columbia, Maryland, Massachusetts, Vermont, New York, New Jersey, Virginia, California, Oregon, Washington State Minnesota, Illinois, New Mexico ne Colorado.

VaBiden vanga vava nema electoral colleges mazana maviri negumi nemapfumbamwe.

Ukuwo mutungamiri wenyika, uye vari mumiriri we Republican Party musarudzo iyi, Va Donald Trump, vatora matunhu anoti, Kentucky, Indiana, Oaklahama, South Dakota, Alabama, Tennessee, Utah, Florida, Mississippi, Idaho, Utah, North Dakota Nevada, South Dakota, South Carolina, Ohio nemamwe vaine zvigaro zana nemakumi manomwe nechimwe.

Kuverengwa kwemavhoti kuri kuenderera mberi.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri mu Virginia, Va Denny Moyo, vanoti sarudzo dzemudunhu ravo dzafamba zvakanaka chose uye vafara kuti VaBiden vakunda mudunhu ravo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muguta re Indianapolis mudunhu re Indiana, iro raenda kuna VaTrump, Va Owen Ndhlovu, vanoti hazvishamisi kuti VaTrump vakunda mudunhu iri sezvo kuine vatsigiri vavo vakawanda vanomira naVa Trump kunyange zvikaoma seyi.

VaNdhlovu vanoti Zimbabwe inogona kudzidza zvakawanda pamusoro pekuitwa kwesarudzo murunyararo uye kuremekedza vanenge vasarudzwa neveruzhinji sezvaitika mudunhu ravo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Kuti munhu adomwe semunhu akunda musarudzo yemutungamiri weAmerica, munhu uyu anofanirwa kunge awana ma electoral college anodarika mazana maviri nemakumi manomwe.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika, Dr Chipo Dendera, vanoti achakunda musarudzo iyi achabuda kana matunhu ose apera kuverengwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika, uye vachidzidzisa pa Devry University, mudunhu re Ohio, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti vekunze vari kutarisira kuti hurumende yemu America, ichinje sezvo hurumende iripo yaVaTrump pari zvino, yakacheka hukama hwayonemadzisahwira e America kwenguva yakareba.

VaMasocha vanotiwo vanorwira kodzero dzevanhu pasi rose vari kutarisirawo shanduko sezvo hurumende yaVa Trump ichiratidza seinofarira vatungamiri vanoshungurudza vanhu munyika dzavo, sezviri kuitika ku North Korea.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG