Accessibility links

Breaking News

Bhanga reMadzimai Rokumbira Mari Yakawanda Kubva kuHurumende


Amai Mandas Marikanda
Amai Mandas Marikanda

Mukuru webhanga remadzimai reZimbabwe Women’s Microfinance Bank (ZWMB), Amai Mandas Marikanda nemusi weChina vakakumbira nhengo dzeparamende kuti dzitaure nehurumende kuti vapihwe mari yakawanda yekubatsira madzimai mumabasa ekuzvisimudzira.

Mashoko aya akataurwa apo nhengo dzeparamende dzekomiti inoona nezvemadzimai, kusimudzirwa kwematunhu nemabhizimisi madiki dzakashanyira bhanga iri muHarare.

Amai Marikanda, vanoti nyika inogona kubudirira kana madzimai akatsigirwa nemari yekuti akwanise kuita mabasa ebudiriro akaita sekurima, kutanga mabhizisimisi pamwe nekuriritira mhuri dzawo.

Amai Marikanda vati pane madzimai akawanda anoda rutsigiro rwezvikwereti kuti atange mabhisimisi uye bhanga ravo riri kutadza kuvabhadhara nekuda kwekuti harina mari yakawanda.

Vati sebhanga idzva, mari yavari kupihwa nehurumende, mamiriyoni gumi pagore ishoma chose pamari yavarikuda.

Vati semuenzaniso, pane vanhu zviuru makumi mashanu nechimwe vakatovhura maAccounts kubhanga iri kubva parakavhurwa pakaiti pegore rapfuura uye pavanhu ivava vanhu zviuru zvisere chete ndivo vakawanisa kuwana zvikwereti zvekuti vatange mabhizimisi nekuita zvimwe zvakasiyana siyana.

Mumiriri weGweru Urban, VaBrian Dube veMDC, vanove imwe nhengo yeparamende yakashanyira bhanga iri nhasi, vati vafara chose kuona kuti bhanga iri rinogona kushandiswa kubvisa hurombo muZimbabwe pachishandiwa madzimai.

Imwe nhengo yekomiti vari veMDC zvekare, VaDaniel Molokele vakaudza Studio 7 kuti vakadzidza zvakawanda pamusoro peWomen’s Bank uye separamende vachaedza kuri batsira kuti rikwanise kuita basa raro nemazvo.

Bhanga iri rakavhurwa nehurumende mwedzi mina yapfuura nechinangwa chekusimudzira madzimai munyaya dzemabhisimisi uye pari zvino iri muHarare chete uye rinotarisira kuvhura rimwe bhanga muBulawaya mwedzi mishonana iri kutevera.

Amai Marikanada vakati kunyange hazvo vasati vavhura mabhanga mune mamwe matunhu vanhu vavo vari kushandira mumahofisi eNetone, nemahofisi ebazi rehurumende rinoona nezvemadzimai mumatunhu ese munyika uko vave kutopa zvikwereti nekubatsira madzimai akawanda.

Mumwedzi misere yapfuura, bhanga iri rapa zvikwereti zvemamiriyoni matatu emadhora uye vanhu vekuMidlanda ndivo vakatora mari yakawanda $1.4 million vachiteverwa neHarare neManicaland.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG