Accessibility links

Breaking News

Mukuru weBBG Okurudzira Burundi Kuti Ibvumidze Zvakare Kushanda kweNhepfenyuro yeVOA


Mukuru weBroadcasting Board of Governors (BBG) VaJohn F. Lansing.

Mukuru weBroadcasting Board of Governors, BBG, VaJohn F. Lansing, vanoti zuva rimwe chete mushure mekucherechedzwa kwezuva rekufambiswa kwemashoko kwakasununguka, kana kuti Press Freedom Day, uye mazuva gumi sarudzo dzinokwanisa kushandura nguva inofanirwa kutorwa nemutungamiri wenyika ari pachigaro dzisati dzaitwa,Burundi yakabva yambunyikidza kufambiswa kwemashoko kwakasununguka.

Hurumende yeBurundi yakazivisa neChishanu, Chivabvu 4 kuti yaizomisa nhepfenyuro yeVoice of America kutepfenyura munyika iyi ichishandisa masaisai eFM kwemwedzi mitanhatu, kutanga neMuvhuro, Chivabvu 7.

Mumashoko avo avakaburitsa neMuvhuro, VaLansing vanoti vatori venhau veVOA vari munyika iyi vakazivisa neMuvhuro mangwanani kuti hurumende yakanga yamira neshoko rayo rekurambidza nhepfenyuro iyi.

Vanoti kunyange hazvo VOA ichitepfenyurawo pamasaisai eAM, neShortwave, paterevhizheni, pamwe nemadandemutande, FM ndiyo ine mukurumbira usina anopikisa pakusvika kuvanhu veBurundi, vachiti vanhu vanga vasvika pakuvimba neVOA nekuda kwekutema isina divi rayakarerekera kwainoita.

Vanoti nekuda kwekuipa kwezvematongerwo enyika pamwe nenyaya dzekubatsira vanotambura, nguva ino ndiyo chaiyo iri kudiwa nhepfenyuro iyi kudarika dzimwe nguva dzose.

VaLansing vanoti BBG icharamba ichi tsigira vanhu vemuBurundi nekuvapa zvirongwa zvinovimbika uye zvechokwadi.

VaLansing vanoti vari kukurudzira mutungamiri weBurundi, VaPierre Nkurunziza kuti vashandure chisungo ichi kuitira kubatsira kuti pave nekugadzikana kwenyika, kudzivirira mhirizhonga uye kuchengetedza veruzhinji.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG