Accessibility links

Breaking News

Bazi rezveHutano Roita Hurongwa hweKukurudzira Vashandi Varo Kuti Vabayiwe Nhomba yeCovid-19


Bazi rezvehutano mudunhu reMashonaland West rinoti ratanga hurongwa hwekushambadzira chirongwa chekukurudzira cashandi varo ku vabayiwe nhomba yeCovid-19.

Izvi zvinotevera mashoko emanyepo anonzi ari kutenderana pamadandemutande akasiyana siyana ekuti vanhu varambe kubayiwa nhomba yeSinopharm yakabva kuChina.

Mukuru mubazi rezvehutano mudunhu reMashonaland West Dr Gift Masoja vanoti vakatora danho iri nekuda kwevanhu vashoma vari kuzvipira kuzobayiwa nekuda kweruzivo rwushoma.

Dr Masoja vanoti vari kukurudzirawo vatungamiri mumatunhu, mudzisvondo nezvematongerwo enyika kuti vabayiwe nhomba pajekerere kuti vanovatevera vabayiwewo.

Izvi zvinotsigirwa nenyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vakambokwikwidza semumiriri weChinhoyi muparamende vakazvimirira VaIsrael Nyandoro.

Dr Masoja vanoti chirongwa chekubayiwa nhomba chiri kudzoserwa kumashure mudunhu nekuda kwekuti dzimwe dzvimbo hadzisi kusvikika nekuda kwemigwagwa isina kumira zvakanaka nekuda kwemvura yaputsawo mamwe mazambuko.

Vatiwo nzvimbo dziri kunetsa kusvika dzinoti Mola, Mayovhe, Chalala neSiaobvu pamwe nedzimwe nzvimbo kuSanyati asi vati havasati vave nehuwandu hwevanhu vanofanirwa kubayiwa nhomba muchikamu chino chekutanga munzvimbo idzi.

Dunhu reMashonaland West rakapihwa majekiseni enhomba anosvika zviuru gumi nechimwechete uye vari kutarisira kubaya vashandi vezvehutano mumapazi ehurumende anosvika zviuru zvitanhatu mumazuva gumi ekutanga.

Nyaya Ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG