Bazi redzidzo yepasi ratanga nzira itsva yekutsvaga makambani achari tengesera maSanitary Pads ekupa vasikana muzvikoro pamwe nekuchikafu chekupa vadzidzi pasi pechironga cheNational Schools Feeding Program.
Mumagwaro ari kuburitswa mumapepa nhau, bazi iri rinoti makambani ese anoda kuri tengesera chikafu nemaSanitary Pads anofanira kuendesa magwarwo awo kumuzinda webazi iri muHarare musi wa13 mwedzi uno usati wasvika.
Izvi zviri kuitwa mushure mekunge komiti yeparamende inoona nezvedzidzo yepasi, yaratidza kusafara nemafambisirwO kana matengerwe aiitwa zvinhu pasi pezvirongwa zvebazi iri.
Komiti iyi yakaitawo chisungo chekuti bazi iri rinofanira kutsvaga makambani anoritengera chikafu nemaSanitary Pads pachishandiswa mutemo wehurumende wekutenga zvinhu.
Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvedzidzo yepasi, Amai Pricillar-Misiharabwi-Mushonga, vati zvave kuitwa nebazi redzidzo yepasi zvino ratidza kuti riri kutetera zvakataurwa nekomiti yavo.
Vatiwo vano vimba kuti izvi zvichapedza matambudziko ange aripo.
Ongororo yakaitwa nekomiti iyi zvichitevera gwaro rezvichemo rakaendeswa kuparamande nesangano reWomen of Zimbabwe Arise, yakaratidza kuti maSanitary Pads aiendeswa muzvikoro ainge ari yemhando yepasi.
Imwe nhengo yekomiti iyi, VaJohnson Madhuku, vanoti nekuda kwaizvozvo, vana vechikoro vange vasiri kutora mSanitary Pads aya.
Pachikafu hurumende yaingopa zvikoro hupfu kuti zvibike sadza asi pasina muriwo.
Izvi zvazoita kuti vana vabhadhariswe mari yemuriwo, kutsvagiswa huni nezvimwe zvakaita semvura sezvo zvinhu izvi zvainge zvsiri pazvikoro.
Semuenzaniso komiti iyi yakaona kuti zvimwe zvikoro zvakaita seBondamakara kwaMtoko zvainge zvatorega chirongwa cheSchools Feeding Program nekuti painge pasina huni nemvura.
VaMadhuku vanoti komiti yavo inoda kuti zvikoro zvipihwe zviikafu zvisinganetsi kugadzira zvakaita semaheu uye vakatopa mienzaniso yezvikafu izvi kubazi rezvedzidzo.
Mumwe mubereki, Amai Kelly Marimo, vanoti chirongwa cheSchools Feeding Program chakanaka chose asi vana havafaniri kupihwa sadza chete.
Pabhajeti ra2021, bazi iri rakapihwa bhiriyoni nezana remamiriyoni emadhora emuno ekutenga chikafu chevana muzvikoro uye mazana mashanu emamiryoni emadhora emuno ekutenga maSanitary Pads.
Hurumende yatanga chirongwa chekupa vana maSanitary Pads muzvikoro mushure mekuona kunetseka kwaita vaye vanobva kumhuri dzinoshaya.
Nzara muzvikoro ndiyo yakaitawo kuti hurumende itange chirongwa chekupa vadzidzi chikafu kuti vakwanise kudzidza zvakanaka vasingachemi nzara.
Facebook Forum