Accessibility links

Breaking News

Amai Prisca Mupfumi neVamwe Voita Misangano muLondon


Prisca Mupfumira

Gurukota rezvekushanyirwa kwenyika, Amai Prisca Mupfumira, nevamwe vakuru muhurumende, vari muLondon kuBritain kwavapinda musangano wezuva rimwechete we Investment Forum waitrirwa pa London Hilton Canary Wharf iri muCentral London.

Musangano uyu wakarongwa neZimbabwe Investment and Development Agency iyo yakaburitsa gwaro neChitatu ichiti chinangwa chemusangano uyu change chiri chekushambadza Zimbabwe nemikana iri munyika munyaya dzezvemabhizinesi nekushanyirwa kwenyika.

Vanoongorora nyaya dzezvehupfumi vashoropodza danho rehurumende rikuita rwendo rwune vanhu vakawanda vanobva kuZimbabwe vachienda kuLondon kunokwezva vekunze vachiti misnagano yakadai inogona kurongwa nemuzinda weZimbabwe muBritain.

Vanhu ava vanoti Zimbabwe iri parumananzomba sezvo zvisina zvisina kumira zvakanaka munyaya dzemari.

Hatina kukwanisa kubata Amai Mupfumira kuti tinzwe tivi ravo.

Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvekushanyirwa kwenyika, Amai Concilia Chinanzvavana vanoti basa ravo sekomiti nderekuona kuti zvirongwa zvebazi rekushanya kwevanhu munyika zvaitwa negwara rakanaka here.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG