Accessibility links

Breaking News

BAZ Yoshambadzira Mamwe Marezinesi eKutepfenyura


Broadcasting Authority of Zimbabwe yadoma nzvimbo gumi dzinokwanisa kunyoreswa kuwana marezinhesi enhepfenyuro dzenharaunda muchiziviso chavakokawo nhepfenyuro dzemaunivhesiti pamwe nezvivhitivhiti kuti dzinyorere marezinhesi.

BAZ yazivisa kuti pamusoro pekupa nhepfenyuro dzenharaunda marezinesi gumi munzvimbo dzavadoma vachapawo zvivhitivhiti marezinesi matanhatu uyewo marezinesi gumi nemapfumbamwe kuzvikoro zvedzidzo yepamusoro zvinodzidzisa zvidzidzo zvekutora nhau.

Mukuru weMedia Institute of Sothern Africa Zimbabwe, VaTabani Moyo vati kunyangwe hazvo bandiko rehurumende iri radeedzera marezinhesi vanokatyamadzwa nekudomwa kwenzvimbo dzichapiwa marezinesi enhepfenyuro dzenharaunda vakati izvi hazvina kujeka kuti sei hurumende iri kuda kupa dzimwe nzvimbo dzimwe dzisiri kupiwa. VaMoyo vanoti havagutsikani kuti hurumende ichapa marezinesi aya zvakasununguka sezvo vatodoma nzvimbo dzichawana.

VaMoyo vatiwo zvichaomera vari kuda marezinesi zvakanyanya kuti vakwanise kushanda sezvo mutemo uri kugadzirwa weBroadcasting Services Bill usingavatenderi kupihwa mari nevekunze inodarika zvikamu makumi maviri kubva muzana.

Nyanzi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vaive mutori wenhau Doctor Pedzisai Ruhanya vati vachatenda maruva vadya chakata. VaRuhanya vatiwo kutepfenyura kunoda mari yakawanda zvakanyanya vakati kana hurumende ine chido chekusunungura masai-sai inofanirwa kudzikisa mari dzinodiwa pakuwana marezinesi.

Imwe nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvekubudiswa kwemashoko VaSettlement Chikwinya vati kunyangwe vari kugamuchira shuviro yekuwedzerwa kwevanotepfenyura munyika vati vanoda kuti marezinesi awa apiwe zvejekerere.

Vati parizvino varikutoshamiswa kuti imwe terevhizheni yeZimpapers yatova nemichina nechakare yekutepfenyura marezinesi asati apiwa.

VaChikwinya vatiwo vachaongorora mari iri kudiwa kunyorera marezinesi iyi vakati shuviro yavo ndeyekuti idzike zvichienzaniswa nedzimwe nyika dzakaita seKenya.

Kunyangwe hazvo vamwe vari kugunun’una nenyaya yemarezinesi aya kune vamwewo vatambira danho iri nemufaro.

Mukuru weGreat Zimbabwe University Campus Radio, VaGolden Maunganidze vati vatambira nemufaro kudaidzirwa kwemarezinesi uku vachiti zvichavabatsira kubudisa vadzidzi vane hunyanzvi hwepamusoro.

Mumwe mugari wemuHarare, VaStanford Nyatsanza vati vafarira zvikuru zvaitwa nehurumende.

Mumwe mutori wenhau, Muzvare Margaret Chinowaita vatiwo vafadzwa nedanho iri sezvo kuwedzera kwevanotepfenyura kuchirevawo basa kune vatori venhau. Vakurudzirawo vanhukadzi kuti vanyorerewo marezinesi aya.

Mutevedzeri wegurukota rinoona nezvekubudiswa kwemashoko, VaEnergy Mutodi vaudza Studio 7 kuti nzvimbo dzadomwa idzi hadzisviki masai-sai kunenhepfenyuro nezvivhitivhiti zviriko nekudaro ndidzo dzinoda kutangwa. Asi vati hurumende ine hurongwa hwekupa marezinesi makumi mana kunhepfenyuro dzenharaunda.

Panyaya yemari yemarezinesi VaMutodi vati bhizinesi hariitwi nevarombo.

Aka ndekekutanga kubva zvaumbwa BAZ kukoka vanoda kutepfenyura kuti vaise mapepa ekupihwa marezinesi.

Nyaya Ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG