Accessibility links

Breaking News

MDC Inotungamirirwa naVaNelson Chamisa Yotsamwiswa neKusungwa kweVakuru veZCTU.


ZCTU President Peter Mutasa
ZCTU President Peter Mutasa

MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa inoti haisi kufara nemabatirwo aitwa nhengo dze ZCTU.

MDC inoti dzimwe nyika nemasangano akaita se European Union ne United Nations, anofanirwa kuona hutongi huri kushandiswa munyika nehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa.

Bato rinopikisa iri rinoti mabatirwo ari kuitwa vanhu nehurumende haana kunaka.

Mumwe wevatevedzeri wemutungamiri ve MDC, VaMorgen Komichi, vaudza Evans Zininga kuti dambudziko guru riri munyika inyaya yekusatambirika kwehurumende yaVaMnangagwa iyo yavanoti yakapinda panyanga zvisiri pamutemo.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyiika vachidzidzisa ku Tshwane University of Technology, Doctor Ricky Munyaradzi Mukonza, vanoti mamiriro akaita zvinhu munyika anoda kuti zvematongerwo enyika zvigadziriswe.

Doctor Mukonza vanoti hapana shanduko yakanyaya yavanoona muhurumende yaVa Mnangagwa vachiifananidza neyaVa Robert Mugabe avo vakasiyiswa basa nemauto gore rakapera muna Mbudzi.

Vanotiwo vimbiso dzehurumende hadzisi kutevedzerwa sekusungwa kwadzinenge dzaitwa.

Vanoti nyika yave kudzokera kumatambudziko egore ra 2008 iro rakange rakaremera vazhinji.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG