Accessibility links

Breaking News

Huwori Hunotyisa Hworamba Hwuchiitwa neMapazi eHurumende


Zimbabwe New Cabinet Sworn In By Mnangagwa
Zimbabwe New Cabinet Sworn In By Mnangagwa

Vanoongorora mashandisirwo emari nehurumende makambani ayo nemakanzuru kana kuti Auditor-General, Amai Mildred Chiri, vanoti huwori, kusatevedza mutemo pakushandiswa kwemari pamwe nekushandisa mari yakawandisa kudarika yaive mubhajeti, zvimwe zvezvinhu zvavakabata muongororo yavakaita.

Vachiparura gwaro reongororo yavo yegaore rapera, Amai Chiri vati hurumende yakapfurikidza mari yayaifanira kushandisa nemadhora mabhiriyoni maviri nechidimbu uye kusvika pari zvino, haisati yaenda kuparamende kunogadzirisa nyaya iyi sezvinodiwa nemutemo.

Hurumende yafanira kushandisa mabhiriyoni mana nemazana matanhatu ezviuru zvemadhora asi iyo ikashandisa madhora mamabhiriyoni manomwe nechidimbu isina mvumo yeparamende.

Vatiwo mapazi ehurumende aishandisa mari zvisina mwero kana zvaisina kurongerwa uye mune mamwe mapazi, vakatoshaya humbowo hunoratidza kuti mari yakashandiswei.

Semuenzaniso, Amai Chiri vati pane mamiriyoni maviri nechidimbu chemadhora akashandiswa nemapazi ehurumende kutenga motokari, majenerata nezvimwe asi zvinhu izvi hazvina kuendeswa kumapazi aya.

Vatiwo bazi redzidzo yePrimary neSecondary rakapihwa mamiriyoni matanhatu emadhora eku America kuti rigadzirise nyaya dzekuronga zvidzidzo kana kuti Curriculum Development asi mari iyi yakashandiswa zvimwe.

Vatiwo pazana rezviuru zvemadhora rafanira kupihwa vana sorojena, zviuru makumi matatu nezvisere ndiyo yega yavakapihwa uye imwe yese yakashandiswa nevekumahofisi egurukota rezvevashandi kubhadhara mahotera nekufamba kuenda kumisangano

Amai Chiri vatiwo zvinhu hazvina kumira zvakanaka mumakambani ehurumende umo vanhu vari kuita madiro eJojina vachipfachura mari inofanira kubatsira veruzhinji nenyika.

Semuenzaniso vati Grain Marketing Board yakabhadhara miriyoni yemadhora yekutenga chibage gore rapfuura, uye kusvika nanhasi chibage ichi hachisati chauya uye hapana anoziva kuti chichauya here.

Vatiwo ZESA yakabhadhara mamiriyoni mashanu emadhora ekuAmerica kukambani yePito Investments, iri mari yekutenga maTransformer makore mapfumbabwe apfuura, asi kusvika nhasi maTransformer aya haasati auya.

Vatiwo zvinhu hazvina kumira zvakanaka kumakunzuru uko makanzuru akawanda munyika asiri kufambisa basa zvakanaka pamwe nekushandisa mari zvisina mwero.

Asi vati muhuwori hwese huri kuitika kune mamwe makakanzuru akaita sePfura iyo iri kuita basa rinodadisa.

Vatiwo zvinosuwisa kuti mari dziri kushandiswa zvisina mwero, kubiwa kana kushandiswa zvisina mature, asi vanhu vachitambura munyika.

Amai Chiri vati kushaikwa kwemari kwakakanganisa mabasa ehutano munyika uyewo pamaAmbulance ese ari mubazi rezvekutano 242, 134 chete ndiwo aishanda.

Vatiwo kushaikwa kwemari kwakaita kuti bazi iri rirasikrwe nevarapi pamwe nekutadza kutenga mishonga.

Vanoongorora nyaya dzepfumi vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vaudza Studio 7 kuti hapana chinoshamisa pagwaro raAmai Chiri nekuti ndizvo zvavanogaro taura gore rega rega pasina anovateerera.

Vati gwaro iri rinofanira kushandiswa mukurwisa huwori.

Vati zvinosuwisa kuti vanhu vanoita huwori vanoregwa vachingofamba asi paine humbowo hwakaita sehuri mugwaro raAuditor – General.

Amai Chiri vati gwaro ravo rakaendeswa kuparamende uyewo vachiriendesa kukomisheni inorwisa huwori yeZimbabwe Anti-Corruption Commission.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG