Accessibility links

Breaking News

Africa Yonyorerana Chibvumirano Chekutengeserana.


Mutungamiriri we Nyika Ye South Africa Cyril Ramaphosa
Mutungamiriri we Nyika Ye South Africa Cyril Ramaphosa

Nyika dzemu African Union dzapeta musangano wechimbi chimbi wanga uchiitirwa mu Kigali ku Rwanda, ndokubva dzasainirana chibvumirano chekutengeserana pakati penyika idzi.

Asi Nigeria haina kusaina chibvumirano ichi ichiti inoda kumbotanga yazeya zvinoreva chibvumirano ichi kumabhizinesi ezvizvarwa zvayo.

Chibvumirano ichi chiri kutarisirwa kuumba musika mumwechete we Africa yese wezvekutengeserana kwenyika dzemu Africa.

Vachitaurawo kumusangano uyu, mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, vakurudzira kuti Africa ishandise mari imwe chete negwaro rekufambisa rimwechete, senzira yekurerutsira zvizvarwa zvemu Africa.

Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzehupfumi pamwe nezvematongerwo enyika dzinoti zvabuda kuAU zvinhu zvinofadza asi hadzione nyika dzichibatana zvokuti dziite mari imwe chete.

please wait

No media source currently available

0:00 0:00:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Dzimwe nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti chibvumirano ichi chakanaka asi nyika dzinoda kutarisa zvachakaipirawo neziso rimwe chete ravanotarisa naro zvachakanakira.

Doctor Godfrey Kanyenze, mazvikokota munyaya dzezvehupfumi, uye vari mukuru we sangano re Labor and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, vati nyika inogona kubatsirikana asi mabhizinesi madiki neepakati nepakati anogona kumedzwa nemakuru kana vakasachenjerera.

Vatiwo mashoko aVaRamaphosa ekuti kushandiswe mari imwechete mu Africa yese zviroto nekuti zvinoda kugadziriswa zvakawanda izvi zvisati zvagona kuitika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG