Accessibility links

Breaking News

VaRobson Chere veARTUZ Vanoti Havana Mhosva Yavakapara


Munyori mukuru weAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaRobson Chere, vakamiswa neChishanu pamberi pekomiti inoranga vanenge vakanganisa, vachipomerwa mhosva yekutadza kuenda kubasa zvisina mvumo.

VaChere vanoti havana kutadza kuenda kubasa nekuda kwavo, asi kuti vainge vari muhusungwa zvichitevera kuratidzira kwakaitika muna Ndira uko kwaita mhirizhonga mushure mekunge mauto ashandisa mabara epfuti senzira yekuparadza kuratidzira kwaitika uku.

VaChere vanoti vakamirirwa zvakakwana, uye zvinogutsa negweta ravo, Va Doug Coltart, uye vanotarisira kuti vachawanikwa vasina mhosva.

Asi VaChere vanoti vakamiswa havo pamberi pekomiti iyi kunyange hazvo pasina mutemo unobata nyaya yavanonzi vakapara.

VaChere vanotiwo havasi kupihwa muhoro kudzamara nyaya yavo yapera kuzeiwa nekomiti iri kuferefeta mhosva yavari kupomerwa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rebazi redzidzo panyaya yaVaChere.

VaChere vanoti vanofara zvikuru nerutsigiro rwavakapihwa nevabereki vemuActurus, avo vakauya kuzovatsigira apo nyaya yavo yaizeyiwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG