Accessibility links

Breaking News

VaObert Masaraure neVamwe Vavo Vanobvisiswa Mari yeChibatiso


Obert Masaraure
Obert Masaraure

Nhengo nomwe dzesangano reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, Artuz, idzo dzakaramba nemusi weChishanu kubvisa faindi pamhosva yadziri kupomerwa nemapurisa, dzakamiswa nemusi weMugovera pamberi pedare ramajisitireti muHarare.

Gweta renhengo idzi, Va Jeremiah Bamu, vanoti vasungwa ava, pamwe negweta ravo, Va Doug Coltart, nemumwewo asiri nhengo yeArtuz, vakabvisiswa mari yechibatiso inoita madhora makumi mashanu pamunhu, ndokubva vaburitswa muhusungwa kuitira kuti vatongwe vachibva kudzimba dzavo.

VaBamu vanoti nhengo dzeArtuz idzi dziri kuramba mhosva yadziri kupomerwa izvo zvakapa kuti dzirambe kubvisa mari yefaindi kumapurisa epaHarare Central Police Station.

Mutungamiri weArtuz, VaObert Musaraure, vakasungwa nevamwe vavo apo vairatidzira pamahofisi egurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vachiti vari kuchema nekufa kwaita mari dzavanotambira.

Varairidzi ava vanoti mari yavaitambira hurumende isati yamisa kushandiswa kwemadhora ekuAmerica, yaiva mazana mashanu emadhora, asi iye zvino mari yavari kutambira iri yemaRTGS yaenzana nemadhora makumi matatu ekuAmerica izvo vanoti zviri kuvasiya vakaomerwa nehupenyu.

Varairidzi ava vanoti vacharamba vachiratidzira musi wavatambiriswa mari dzavo kudzamara hurumende yagadzirisa zvichemo zvavo.

Vanotiwo pasi pemitemo yenyika, havakumbire mvumo yemapurisa kana vachida kuratidzira.

Mutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi, vakaudza Studio7 nemusi weChishanu kuti nhengo dzeArtuz dzainge dzasungwa mushure mukutyora mitemo yenyika, vakati mhosva yavari kupomerwa yaiva ye public nuisance.

VaBamu vanoti kunze kwekusungwa, vanhu vavari kumirira ava vakarohwa zvakaipisisa nemapurisa, zvikuru VaColtart.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG