Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeARTUZ Dzasungwa Dzisati Dzapa VaNcube Nyunyuto Dzadzo


ARTUZ Teachers Walk
ARTUZ Teachers Walk

Mapurisa anodzivirira nyonga nyonga asunga nhengo dzesangano rinomirira varairidzi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, ARTUZ, apo dzange dzichiratidzra pamahofisi ebazi rezvemari.

Mapurisa aya asungawo mutapi wenhau wekambani yeNewZimbabwe.Com, Leopold Munhende, uyo ange achitora mifananidzo yezvange zvichiitika.

Mapurisa aya ange aine mboma paasunga vanhu gumi ndokuvakanda mumotokari achienda navo kukamba yemapurisa yepaHarare Central Police Station.

Nhengo dzeARTUZ dzanga dzichiratidzira dzichiti hadzisi kufara nemari dziri kutambiriswa varairidzi idzo dzinoti ishoma zvikuru.

ARTUZ yakabuda nedanho rekuti ichange ichiratidzira musi unotambira mari nhengo dzaro mwedzi wega senzira yekuudza gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, kuti mari iri kupihwa varairidzi ishoma zvikuru.

Vakasanobata chinzvimbo chemunyori muARTUZ, VaMunyaradzi Ndawana, vati vasungwa vanga vari pachirongwa chavo chavanoti Funeral Day icho chichangwe chichiitwa zura rega rega pavanotambira mihoro yavo.

VaNdawana vati vanhu vasungwa vasati vatombosvitsa gwaro ravo renyunyuto kugurukota rezvemari, VaMthuli Ncube.

Vasungwa vanosanganisira mutungamiriri weARTUZ, VaObert Masaraure, gweta resangano iri, VaDoug Coltart, dzimwe nhengo dzinoti VaAndrew Munguri, VaGerald Tavengwa, VaNation Mudzitirwa, Tryvine Musokeri, VaGodfrey Chanda, Simon Drury, Shepherd Tazvivinga, pamwe naMunhende weNew Zimbabwe.Com.

Mumwe anoshanda naMunhende, VaCosta Nkomo, vaudza Studio7 kuti Munhende asungwa kunyange hazvo aratidza mapurisa magwaro ebasa.

Sangano rinomirira vatapi venhau vechidiki reYoung Journalists Association, YOJA, rashora kusungwa kwenhengo yaro Munhende, uyo anove mutauriri wesangano iri.

Gweta riri kumirira Munhende, VaChris Mhike, vaudza Studio7 kuti vaudza mapurisa kuti Munhende ange ari kuita basa rake, uye hapana chikonzero chekuti asungwe.

Munhende azoregedzwa achienda mushure mekupindira kwegweta rake.

Mukuru weMedia Insitute of Southern Africa – Zimbabwe, VaTabani Moyo, vashora kumbunyikidzwa kuri kuitwa vatori venhau munyika.

Zvichakadai gweta renhengo dzeARTUZ, Amai Beatrice Mtetwa, vaudza Studio7 kuti nhengo dzeARTUZ dzapomerwa mhosva yePublic Nuisance uye vari kunzi vabhadhare faindi.

Amai Mtetwa vati zviri pachena kuti kusungwa kwevanhu ava kuri kunze kwemutemo nekudaro mapurisa ave kuda kuvabhadharisa faindi.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vaudza Studio7 kuti nyaya Munhende yagadziriswa uye aburitswa sezvo ari mutori wenhau.

Vatiwo VaColtart vachiri kubvurudzwa nemapurisa sezvo vaudza mapurisa kuti igweta reARTZU.

Asi vati nhengo sere dzeARTUZ dziri kupomerwa mhosva yekutyora mutemo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG