Accessibility links

Breaking News

ARTUZ Inoudza Mapurisa neMasoja Kuti Iri Kuvarwiravo paNyaya dzeMari


VaObert Masaraure

angano rinomiririra varairidzi vekumaruwa, re Amalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe kana kuti ARTUZ, rinoti masoja nemapurisa vanoshandiravo hurumende naizvozvo riri kuvakurudzira kuti vasarove vanhu kana kuvhiringa varairidzi vanenge vachiratidzira nezvenyaya dzemihoro.

Mutungamiriri we ARTUZ, VaObert Masaraure vaudza Studio 7 kuti varairidzi vari kurwira mihoro yevanhu vese vanoshandira hurumende, kwete varairidzi chete saka vari kukurudzira kuti masoja nemapurisa kuti vafunge zvakadzama kana vatumwa kunomisa kuratidzira kwavanenge vachiita.

VaMasaraure vati sangano ravo riri kuronga zvekuratidzira zvine mutsindo rakabatana nemamwe masangano.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika Amai Oppah Muchinguri Kashiri kana gurukota rezvemukati menyika VaCain Mathema sezvo vange vasiri kudaira nharembozha dzavo.

Vashandi vehurumende vakawanda kusanganisira varairidzi nemadhokotera vave nenguva yakareba vachiratidzira nenyaya yemihoro. Hurumende inoti vashandi ava vanofanira kusimbisa nhaurirano kwete kuratidzira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG