Accessibility links

Breaking News

Mashoko aVaMutambara Otsamwisa Vamwe


MDC inotungamirwa naVa Arthur Mutambara inoti hapana kugunun'una kuripo mubato iri zvichitevera mashoko akataurwa nemutungamiri waro mudare reparamende nemusi weChitatu

Vachipindura mubvunzo wavakange vabvunzwa pamusoro pekudomwa kwakaitwa magavhuna pamwe nevamiriri veZimbabwe kune dzimwe nyika nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasina kugara pasi nevamwe vavo muhurumende, VaMutambara vanonzi vakati dare repamusoro soro, reSupreme Court, ndiro chete rinogona kuona kana VaMugabe vakakanganisa pane zvavakaita.

Pfungwa yavaMutambara yekuti nyaya yekunetsana kwaVaMugabe naVaTsvangirai ionekwe seinogadziriswa ne Supreme Court, iri kushorwa zvikuru neveruzhinji, kusanganisirawo bato raVaMutambara, iro riri kuti VaMugabe vanofanirwa kutevedzera zviri muchibvumirano che Global Political Agreement, GPA, pakudoma magavhuna nevamwe vakuru munyika.

MDC inotungamirwa naVaTsvangirai inotiwo VaMutambara vakarasika nemashoko avakataura mupareamende, sezvo zvinoitwa muhurumende yemubatanidzwa, zvichifanirwa kuitwa ne gwara re GPA.

Article 20 ye GPA inoti VaMugabe vanofanirwa kugara pasi nevamwe vavo pakudoma vakuru vakuru muhurumende. Vakuru ava vanosanganisira vamiriri veZimbabwe kune dzimwe nyika, vatungamiri vemapazi ehurumende, magavhuna, nevamwe.

Mutauriri webato raVaMutambara, VaEdwin Mushoriwa, vanoti nyaya iri kunetsa inyaya yekuti VaMutambara vanotsigira zvakaitwa naVaMugabe.

Asi VaMushoriwa vati sebato, vanomira nepfungwa yekuti VaMugabe havana masimba ekudoma vakuru muhurumende vasina kuwirirana nevamwe vatungamiri vemapato vari muhurumende yemubatanidzwa.

XS
SM
MD
LG