Accessibility links

Breaking News

Kudzingwa neKusungwa kweMakanzura eHarare Kotsamisa Vagari Vakawanda


Harare Mayor Herbert Gomba 1
Harare Mayor Herbert Gomba 1

Vagari vemuHarare vanoti vari kutyira kuti kusungwa kuri kuitwa mamwe makunzura eHarare achipomerwa huwori pamwe nekudzingwa kwamamwe makanzura nekuda kwekupokana panyaya dzematongerwo enyika kunogona kupedzisira kwaita kuti hurumende idome komisheni inotungamira kanzuru yeHarare.

Sangano remubatanidzwa wemasangano anomirira vagari vemuHarare, Harare Metropolitan Residents Forum kana HAMREF rinoti harisi kufara nekudzingwa pamwe nekusungwa kwameya weHarare, VaHebert Gomba, nemamwe makanzura richiti izvi zvinokanganisa basa rekanzuru.

Imwe nhengo yeHAMFER , VaMarvelous Khumalo, vati vaitairisira kuti dai makanzura aya ambosiiwa achiita basa rekuwirisa Covid-19 pamwe nekuona kuti vagari vagara zvakanaka.

Nezuro MDC T inotungamirirwa naMuzvare Thokazi Khupe yakadzinga nemusi weChishanu VaGomba nemakanzura mashanu ichiti vange vasitatevedza zvido zvebato.

Izvi zvinotevera kudzingwa kwemamwe makaunzura mana nguva pfupi yapfuura pamusoro pechikonzewero chimwe chete.

Svondo rino pane mamwe makanzura eMDC Alliance akasungwa achipomerwa mhosva yehuwori panyaya dzemasitendi, uye nyaya yaVaGomba inotori kumatare edzimshosva.

VaKhumalo vati zviri kuitika izvi zvine chekuita nekurwisana kuri muzvikwata zveMDC.

Vati nyaya iyi ichaparira kumaguta ese nemadhorobha anotongwa nebato rinopikisa uye zvinogona kuita kuti hurumende idome makomisheni anotonga maguta aya.

Makanzura akasungwa achipomerwa huwori svondo rino ndiVaLovemore Makuwere, Hammy Madzingira, Costa Mande, Warlord Chakaredza naVaAntony Shigandeya.

VaMadzingira naVaMande ndevamwe vevatanhatu vakadzingwa basa nemusi weChishanu pamwe naVaGomba, VaHappymore Gotora, Amai Kudzai Kadzombe naAmai Gaudencia Marere.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatswayo, vaudza 7 Studio 7 kuti vese ava havana mhosva asi kuti vari kushungurudzirwa nyaya dzematongerwo enyika.

Vati bato ravo riri kugadzira hurongwa kwekupedza zvese izvi.

Asi munyori muMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vati bato ravo harisi kungodzinga vanhu chete asi kuti vese vari kudzingwavapesana negwara remusangano uye nyaya dzehuwori izvo zvisingadiwe nebato.

VaMwonzora vati huwori haubvumidzwwe zvachose mubato ravo vachiti kana mushakabvu VaMorgan Tsvangirai vakatombodzinga kanzuru yese nekuda kwehuwori panguva yavo.

VaMwonzora vati havawoni hurumende ichidoma komisheni yekutungamira Harare nokuti havana kudzinga basa makanzura ese.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvematunhu nemadhorobha, VaJuly Moyo, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Asi zvichitevera chikumbiro chevamwe vagari chekuti padomwe komisheni yekutungamira Harare nekuda kwehuwori huri kuitika mukanzuru iyi, VaMoyo vakaudza bepanhau reHerald kuti hurumende haingodome komisheni vachiti pane gwara rinotevedzwa uye nguya yekudoma komisheni haisati yakwana.

MDC Alliance ine makunzura makumi mana nemashanu pamakanzura makumi mana nematanhatu muHarare.

Zvichitevera mutongo weSupreme Court wakapa Muzvare Khupe kuti vafanotungamire MDC T, Muzvare Khupe vanoti makaznura ese aya ndeeMDC-T.

Svondo rino bato iri rakadzingawo makanzura mashanu kuBulawayo richiti apesana negwara nemusangano.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG