Accessibility links

Breaking News

Kusungwa kwaMusa Taj Adbul neVamwe Vake Kofarirwa neVakawanda


Armed Riot Police Presence in Harare Zimbabwe Elections

Vanhu vakawanda vnoti vari kufara nekusungwa kwakaitwa mhavha dzinochisa nomwe dzange dzave nemakore akawanda dzichitsvagwa mushure mekupara mhosva dzakawanda dzinosanganisira kuba dzichishandisa pfuti.

Asi vanhu ava vanoti vacharamba vachigara vachitya sezvo kune zvimwe zvikwata zvematsotsi zvakawanda zviri kutenderera munyika.

Nemusi weMuvhuro manheru kuBeitbridge, mapurisa akasunga Musa Taj Adbul uyo ange ave nemakore makumi maviri achitiza mapurisa.

Adbul akasungwa nechikwata chake chinosaningira mupurisa wepakamba yeBeitbridge, Tapiwa Mangoma, nevaimbove mupurisa wepakamba yeMasvingo Central, Rudolf Kanhanga.

Dzimwe nhengo dzechikwata chaAbdul ndiLiberty Mupamhanga, Prince Makodza, Godfrey Mupamhanga, Charles Lundu and Innocent Jairos vese vavhibva kuHarare.

Matsotsi aya akaba zviuru nezviuru zvemadhora kubva kumabhizimisisi nevanhu vakasiyana siyana muHarare nezvimbo zhinji munyika vachishandisa pfuti.

Mumwe mugari wemuHarare, Amai Melusi Kamuriwo, vati vanofara nekusungwa kwakaitwa matsotsi aya.

VaOwen Dhliwayo vati kunyange hazvo pasungwa mamwe matsotsi, chisingavafadzi ndechekuti zvinosanganisira vechiuto nemapurisa.

VaPetro Gweme vaudza Studio7 kuti zvakaitika kuBeitridge zvakanaka asi nyaya yekuti mapurisa anoshanda nematsotsi inyaya inofanira kugadziriswa.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vaudza Studio 7 kuti mapurisa masajona kana vashandi vemune mamwe mapazi ekudzivirira kana kuchengetedza nyika, vanosungwa kana vachinge vapara mhosva.

VaNyathi vati vachaburitsa zvakawanda pamusoro pemakoronyera aya mangwana kana vachinge vawana hombowo kubva kumatikitivha.

Chikwata chaAdbul chakaridzirana pfuti nemapurisa muHarare muna Kurume pakafa nhengo nhatu nedzikwata ichi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG