Accessibility links

Breaking News

Hama Dzochema Mudzimai Akapfurwa neMasoja neChitatu muHarare


Late Slyvia Maphosa relative
Late Slyvia Maphosa relative

Vehukama neshamwadzi dzemumwe wevanhu vatanhatu vakapfurwa nemauto vakafa nemusi weChitatu, Amai Slyvia Matambo Maphosa, vanoti havasi kufara nemafiro akaita hama yavo.

Hama neshamwari idzi dzakaungana kumba kwemufi kuProspect vachirangarira mumwe wavo, uyo akapfurwa akafa munguva yaiitika mhirizhonga muHarare, veMDC Alliance vachiratidzira kunyunyuta kwavo pamusoro pemabatirwo aiitwa zvaibuda musarudzo neZimbabwe Electoral Commission.

Mumwe wevanhu vakanga vachichema mufi, VaCharles Makonye, vakati vari kurwadzikana zvikuru nemafiro akaita muvakidzani wavo.

VaMakonye vakati vanorwadzikana zvikuru kuti mufi akasvika pakufa murume wake pasina zvaaiziva.

VaMakonye vakati vanhu vakawanda muProspect vari kurwadzikana zvikuru nezvakaitwa nemasoja zvokuuraya vanhu vakanga vasineyi nekuratidzira kwaiitika muHarare.

VaMakonye vakati vanhu vakaona mukadzi uyu achifa vanoti mutumbi wake wakagara mumugwagwa kwenguva yakarebesa usati waendeswa kuchipatara.

Imwe hama yemufi, VaEdward Matambo, vakati vanhu vachagara vachitya munyika nokuti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakange vavimbisa runyararo, asi zvakazoitwa nemasoja zvakasvibisa hurumende yaVaMnangagwa.

VaMatambo vakati pavakaona mufananidzo wemufi pama whatsapp aitumiranwa nevanhu, havana kuziva kuti munhu ainge apfurwa akafa, aive mwana wemukoma wavo.

Sangano reZimbabwe Human Rights Association rakashopodza zvakaitwa nemauto.

Asi mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, vakaudza vatori venhau kuti mauto haasi iwo akapfura vanhu ava, asi kuti vakapfurwa nevanhu vairatidzira.

Sangano reVeritas rinoti pasi pemitemo yenyika, mutungamira wenyika ndiye chete ane masimba ekuti mauto apinde mumigwagwa kuitira kuti achengetedze runyararo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG