Accessibility links

Breaking News

Sangano reAnti-Corruption Trust of Southern Africa Roburitsa Huori paKutsvaga Rutsigiro muSarudzo


Sangano re Anti-corruption Trust of Southern Africa (ACT-Southern Africa) rakabuditsa gwaro rinoburitsa pachena kubiridzirwa kwarinoti kuri kuitwa sarudzo nevamwe vari kukwidza.

Zvinonzi vamwe vari kushandisa zvekudya, zvicherwa uye dzimotokari mukuyedza kutenga mavhoti.

Mukuru we sangano re Anti-Corruption Trust of Southern Africa VaAlouis Munyaradzi Chaumba vanoti kutengwa kwemavhoti kwanyanya ku dunhu reKwekwe uko kwavanoti zviri kuitwa pachena chena nevamwe vari kukwikwidza musarudzo dziri kuuya.

Vati kune mumwe wevanoita zve kuchera goridhe ane mukurumbira ari kutengera hutungamiriri dzimotokari iri nzira yekuvatenga nayo kuti awane rutsigiro.

Kunonzi kune vazhinji vari kugara mudzimba dzekuroja vakavimbiswa kubhadharirwa mari dzerendi. Vamwewo vakabatsirwa kunobvuta migodhi ye goridhe zvine chisimba kumugodhi weGlobe & Phoenix uri mu Kwekwe makare.

Vechidiki vanonzi vari kushandisirwa doro nezvimwe zvinodhaka kuti vateverere vari kuda kutsigirwa musarudzo dziri kuuya idzi.

Mumwe anoshandawoi naVaChaumba, VaObert Chinhamo vakatiwo izvi zvinowanzokonzera nyonga nyonga nekurwisana kana vadhakwa zvoshaya chazvinobatsira.

Sangano reAnti-Corruption Trust of Southern Africa rinoti harizorori kuongorora nekumhan’ara zvose zviri kuitika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG