Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzoshora Zviri Kuitwa neHurumende yaVaMnangagwa


Emmerson Mnangagwa
Emmerson Mnangagwa

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzinoti dziri kushushikana zvikuru nehuwandu hwevanhu vari kusungwa nehurumende vachipomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa.

Vasungwa mukati mumwedzi mishoma yapfuura yaNdira, Kukadzi naKurume gore rino vachipomerwa mhosva iyi vanosanganisira mumiriri weHarare West muparamende, Muzvare Joana Mamombe; Pastor Evan Mawarire; munyori mukuru weZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, Va Japhet Moyo; mutungamiri weZCTU, VaPeter Mutasa; sachigaro we Crisis in Zimbabwe Coalition, VaRashid Mahiya, nevamwe.

Muzvare Mamombe vari kutarisirwa kumiswa mudare neMuvhuro zvichitevera kusungwa kwavakaitwa nemusi weMugovera, vari pamusangano wekomiti yeparamende kuNyanga.

Muzvare Mamombe vanonzi vakasungirwa mashoko avakataura pakuratidzira kwakatanga musi Ndira 14 uko kwainge kwakurudzirwa neZCTU.

Kuratidzira kwemazuva matatu uku kwakasiya vanhu gumi nevanomwe vafa mushure mekupfurwa nemabara epfuti.

Sangano reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights rinoti vanhu vanodarika makumi manomwe vakarapwa maronda akakonzerwa nemabara epfuti.

Vachitaura nenhepfenyuro yeFrance vari kumusangano weAfrican Union kuAddis Ababa kuEthiopia, VaMnangagwa vakati hapana humbowo hunoratidza kuti mauto akakonzeresa kufa kwevanhu kana kubatwa chibharo kwaitaurwa nevamwe vanhukadzi vaiti vakabatwa chibharo nemauto munguva yemhirizhonga.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika pamwe nekurwira kodzero dzevanhu, Va Promise Sande, vanoti hurumende yaVa Mnangagwa iri kuratidza kuti haina mutsauko nehurumende yevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi sezvo nhare mbozha yemunyori mubazi rekuburitsa mashoko, VaNick Mangwana, yanga isingabatiki.

VaSande vanoti zvakakosha kuti Zimbabwe iremekedze kodzero dzevanhu vanoipikisa kwete kwevatora sevapari vemhosva.

VaSande vanoti mhosva dziri kupomerwa vanhu ava hadzisi mhosva dzinonzi munhu ari kuda kupidigura hurumende.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG