Accessibility links

Breaking News

VaMbofana Vanoti Mari Yakapihwa Sakunda Holdings Ngaiferefetwe


US Dollars
US Dollars

Imwe nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika, uye vari mukuru wezvirongwa musangano re Zimbabwe Network for Social Justice, Va Tendai Ruben Mbofana, vanoti havasi kufara nezvakaitwa nenhengo dze Zanu PF idzo dziri mukomiti yeparamende inoona nezvemari.

Nhengo idzi dzakatadzisa nemusi weChishanu musangano wekunzwa zviri kuitika panyaya ye Sakunda Holdings, iyo iri kunzi yakapihwa nehurumende mari inodarika mabhiriyoni mashanu emadhora eku America zvisina mvumo yeparamende.

Mari iyi inonzi yakapihwa kambani iyi muna 2017 na 2018 chete.

Asi mhemgo yeZanu PF inomirira Buhera Central muNational Assembly, VaMathew Nyashanu, vanoti vakatora danho iri sezvo MDC isiri kucherechedza mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nokudaro ivo havasi kucherechedzawo VaTendai Biti sasachigaro wekomiti iri kufanirwa kunzwa nyaya yeSakunda Holdings.

Asi VaMbofana vanoti havawirirane nedanho rakatorwa neZanu PF, sezvo maitiro akadai achizvidza mashandiro eparamende.

VaMbofana vanoti nhengo dzeZanu PF dzakaita izvi nechinangwa chekuona kuti vakuru vekambani yeSakunda Holdings havasi kuzomiswa pamberi pekomiti iyi vachibvunzurudzwa nezvemari yavakapihwa zvisiri pamutemo.

VaMbofana vanoti nyaya yemari inonzi yakapihwa Sakunda Holdings nehurumende zviri kunze kwemutemo, inofanirwa kugadziriswa kuitira kuti nyika izive zvakaitika, vanenge vakatyora mutemo, votorerwa matanho akaomarara zvikuru.

Sakunda inonzi ikambani yechipangamazano chaVaMnangagwa, VaKudakwashe Tagwirei.

Studio7 haina kukwanisa kubata VaTagwirei kuti tinzwe divi ravo panyaya yekambani yavo iyo iri kunzi yakapihwa mari nehurumende dare reparamende risina kusumwa.

Sakunda, iyo inonzi inotsigirwa nevamwe vari muchiuto, yakapihwa mari yaishandiswa pasi pechirongwa che Command Agriculture, icho chaitengera vanhu zvinhu zvekurimisa zvakaita sembeu nefotereza.

Chirongwa cheCommand Agriculture chinoshanda chiri pasi pehofisi yemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Kambani iyi inonzi yakamboyambirwawo neInternational Monetary Fund mushure mekunge yabhadhara kambani yeTrafigura mari yakawandiswa, uye zvisina kunyatsojeka sezvinodiwa pakufambiswa kwemari pasi rose.

Sakunda Petroleum, iyo iri pasi peSakunda Holdings, ine hukama neTrafigura kuburikidza nekambani yeTrafigura Zimbabwe, Sakunda iine zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana mukambani iyi, ukuwo Trafigura iine zvikamu makumi mana nezvipfumbamwe kubva muzana sezvinodiwa nemitemo yenyika.

Muzinda weSakunda Holdings uri pa Century Towers muHarare, uye kambani iyi ine mahofisi mu 4th, 15th, 16th ne 17th Floors, izvo zvinoratidza kuti ikambani huru ine vashandi vakawanda, uye inogara yakachengetedzwa zvakasimba.

please wait

No media source currently available

0:00 0:15:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG