Accessibility links

Amnesty International neMamwe Masangano Anoti SADC Ngavakurudzire Zanu-PF Kuti Ivandudze Zvinhu

  • Blessing Zulu

Amnesty International yakurudzira SADC kuti isadududze pakukurudzira Zanu-PF kuti isatyora kodzero dzevanhu muZimbabwe pachaitwa musangano weextraordinary summit muSouth Africa neMugovera.

Amnesty Intenational yakatotumira nhumwa kuSouth Africa kuti ipe kurudziro iyi kuvakuru venyika dzemuSAC.

Sangano iri rinoti zvakasungwa kuLivingstone zvekuti Zanu-PF iunze hutongi wejechetere zvinofanira kusimbiswa.

Mashoko aya auya apo vemasangano akazvimirira oga neveZanu-PF vari kutonga kuratidzira kuJohannesburg neMugovera.

Vakazvimirira voga varikuda kuti mutungamiri weZanu-PF VaRobert Mugabe vaomeserwe asi veZanu-PF vanoti MDC ndiyo inofanira kuomeserwa.

Regional coordinator weNational Constitutional Assembly muSouth Africa, VaMunjodzi Mutandiri, vanoti SADC inofanira kuramba yakatsika madziro.

XS
SM
MD
LG